Aunty Rhoda, Sekuru Mbambamba: Ngwarira Mashoko Ako PakuGumbuka!

NGWARIRA MASHOKO AKO PAKU GUMBUKA.


Dzimba zhinji dzaka putsika ukatarisisa unoona kuti pakashandiswa mashoko akataurwa panguva yokurwadziwa. Hama dzangu dzimba dzese dzamu noona dzakamira muchi yemura kuti vanodanana , hapana imba isina nguva yokupokana but tongozo siyana nguva,nzvimbo,uye mashoko anotaurwa panguva akadaro.

VAMWE vakakonana mu road unonzwa zvonzi don't worry tozo taura takumba pari free but vamwe zvotonzi aiwaaa ngati pedze nyaya yedu handina zvoenda kure .Chokwadi kuenda kumba mondo taura ndatova kure zvekuti watadza kuzvi bata?

Hongu ndakura but since handisati ndasangana nevanhu vaitukana vachiudzana kunaka koumwe. Time yokupokana inguva yemakwikwi kutsvaka shoko ringa rwadza but be careful kuti kurwadza kwaro ndiyo mhando yegomba rauri kuzvicherera mu marriage yako.
Ngwarira Mashoko Ako PakuGumbuka!
Ngwarira Mashoko Ako PakuGumbuka!

Ndino farira mapurisa vanoti vakakusunga vano kurumidza kukuyambira kuti zvese zvawava kutaura zvino gona kuzo shandiswa kukusungirira mudare remhoswa .Ndakaona kuti vakanzwisisa kuti munhu paano sungwa ano vhunduka zvokuti zvese zvaano taura anogona kuvhumuka nezvino musingirira achibvuma nenhema. Musungwa akangwara anonyarara pfungwa dzodzikama ozotaura anzwa kuti ndadzikama. Vane bvepfepfe atoti achisungwa otanga kutopodza nenhema ne nhema achizvi sungirira vazhinji vacho ndivo vano nyura but pasina mhosva.

Ndikuzama kuku udza Kunokosha kweshoko rauno popota naro. Paya pauno gumbuka Satan chinobva chato mirira mashoko ako kuti chimashandisa se chombo chokuku paradza mangwana. MATURITY YEMUNHU UNO IONA PAKUSARUDZA SHOKO AGUMBUKA.

Kune dzimwe shasha dzachembera makore but rurimi chiri kacheche anongo taura chero zvabuda. Vanhu vakadaro vano raramira kugadzwa matare ,kukumbira ruregerero nekuripa.

Hakuna munhu asina rugare semunhu asinga fungi mashoko okutaura. Kune vano funga vasati vataura kugouya vano taura vasati vafunga. Regai nditaure zvishoma zvausinga faniri kupopota nazvo chero wagumbuka sei mu marriage.

❌Usafa wakada kurwadzisa murume nekumuti mwana hasi wake hmmmm unonyura.

❌Usaedza hako kutuka murume/mkadzi wako nekumu dzikisira pabonde uno nyura.

❌Usa edzesera kutuka murume/mkadzi uchipinza zvinhu zvaakambo kuudza zvemu mhuri maaka barwa.

❌ Kana makonana musapinza mazita evabereki mukati please. Kana kutukirana vabereki mangwana unochema.

❌Usaenzanisa mkadzi/murume wako neumwe wako kana maakupopotedzana please unopisira.

NGWARIRA MASHOKO AKO ANOKU PARADZA WAKARIVARA HAMA YANGU.

Zvakaoma kutaura mashoko akanaka munguva yekugumbuka asi murume/ mukadzi.akangwara anonyarara otanga afunga uye hatikurudzire kuchinjana mashoko makagumbuka. Shoko rabuda mukanwa.haridzosereke marabva. Calm down first and then talk talk talk and talk.

Zvahwikwa here uko? Amwe mashoko akashata kushandisa ndeapi?

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp