Aunty Rhoda: Madzimai Topfeka Brazillian Here OR Toenda KuBrazil?

Kuva mudzimai pavanhu - Chiiko chinombonzi kuwavo munhu/mudzimai pavanhu? Zvii zvinotarisirwa pamudzimai, a lady.


SOCIAL APPEARANCE: A lady does not play with everyone, Greet everyone but not everyone is your friend. Yenyu yekupedza raini rese muchiti this my friend. You are the CEO of your life.
Mudzimai Wanhasi
1. Choose The Right Friends: Friendship should be based on a common ground so, mukada kuzvitarisisa muchaona kuti nemamwe mafriends enyu hamuna kana common ground. Saka munotaura nyaya dzei besides makuhwa. Tsvaga a friend yamune common ground mese.

Dzidza kunyarara - A lady haataure zvese zvese ndinzweiwo. Zvidzore ukanzwa wakuda kutaura tusina maturo.

2. Choose The Right Environment: A lady haawanikwe pese pese, muroad, mutumatuckshop, everywhere kungowanikwa uripo, aaaah.

Phone number - A lady haape every Tom and Dick her number. Netukomana twembanje twemuraini tunoziva number yako, for the why? Cherechedza the type of contacts u have in your phone are they helping you to develop or?

3. Choose Your Words Wisely: A lady anotaura zvakadzikama, zviri polite. Mamwe maslang siyanai nawo askana hanzi hee bholato aaagh haunzwe kunyara here uchipindura kudaro, hanzi ndiripo paden aaahh imika

Have some standards: A lady ngaawevo nestandard yaanoshuvira, kana kuitawo standard yaminister or celeb zvakanaka izvo.

A lady must not be loud, pane vamwe vakuzivikamwa nyangwe nekugegedzera so kana matauriro unoita kukwamatata ngatizvidzorei

A lady does not eat in public, unenge wanonokerwa zvakanyanyoita Seiko kut uzofambe uchidya.

PERSONAL DEVELOPMENT: A lady must have ideas for her development, munhu ngaaite mazano ekuti mari ndoiwana sei, clean ways chaidzo. Itawo a small business, use your hands, ruka musoro, itisa malessons, tengesa mafreezit uwane twako tumari. Ngatisiyei tsika yekuchema pese hee handina mari, ndipeiwo mari yechakati

Munhukadzi rega kungofunga kuisa Brazilian weave mumusoro usingafunge zvekuenda ku Brazil kwacho.

Courses are being learnt online wanawo zvekuita semudzimai. Computer hadzisi dzevarume chete. Vamwe munotove neWIFI kudzimba asi basa nderekuswera pafacebook newhatsap achingove makkkkkkkkk gegegege zuva rese kutozopisa poto nazvo. Pane a lot of lessons going for free online, utilize resources wisely.

Kungovawo a lady wekuti pakataurwa politics hauti vanovhaira, pakataurwa dzedriving woti vanovhaira, pakataurwa business woti ndavhairirwa aiwazve vasikana. Unozodairawo pataurwa kunzi nhingi makamuona here zvaakaita ndiwe watonumber one kuudza vanhu dot.com rese iweeeee there are better things to do.

Come on ladies tell us more that define you ... Keep the faith.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp