CHENJERERA VAKAKUKOMBEREDZA: Unomboziva here kuti ukasangana nemunhu wausingazivi akakutukira mai vako unogona kutoseka zvako. 

Haaaaah chokwadi unoti nhasi ndasangana nebenzi munzira rikatanga kundituka. Haumurovi uye hazviwani nzvimbo muhana mako. Now ngazvizoitwa nemukadzi/murume, muvakadzani kana shamwari yako, iweeeeeee panoita batawabata. Why? Ndewakakukomberedza.

Job 2 vs 9 mukadzi waJob anoti kwaari tuka Mwari wako ufe. Urikupaona here apa, mukadzi wake chaiye arikumuudza wrong advice. But ndinofara zvangu kuti Job anoramba akashingirira. Mambo Jesu ndokubva vatengeswa zvavo naJudas Iscariot, waiva pedyo navo. Umwe wevaifamba naye. Pashure apo, vana mai vavo ndivo vanouya achidzidzisa mutembere kuzomukumbira panze kikikikiki. Kwanzi hande kumba. Aaaah. Ndevakamukomberedza.
Shamwari
Shamwari ndoda ungwarire hama, neshamwari dzakakukomberedza. Don't listen to every advice they give to you. Mambo Ahashveroshi vakanyengerwa kuramba vahosi Vashti nemachinda zvikaita sekudaro (Ester 1vs16). Mashoko evakakukomberedza anobata pamoyo kudarika anouya nevanopfuura nezhira. Ngwarira vakakukomberedza piwa njere dzekuyera mashoko. Mukaona imba yoparara haina kutangira padare,,,,,,,imba yakaparadzwa kubhawa kare nevakakomberedza murume, kuchibhorani kudhara nevakakomberedza mukadzi. Zvanzikwa hazvo?

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.