China SCOTCHER From Aunty Rhoda: Munhu Wenyu Ane Munhu Here?

VAKADZI VAKADZI.!


Ndoda kumbotaura mamistakes amunoita cpaupenyu hwenyu anogona kuku kanganisirai marelationships or marriage dzenyu.

1. Comparing murume wako or boyfriend yako nevamwe varume. Varume vese vamunoona ava hakuna asina weakness yake. And weakness yeumwe istrength kuumwe. Saka uyo waunoyemura uyo. Unomuyemura nekuti hauna kumbodanana naye. Ukapihwa mukana unogona kuzvituka. Nhau haisi paku compare varume kuti ari better ndeupi. Nhau iri pauri iwe kuti uzive murume waunoda. Kugona kunyora zvaunotsvaga pavarume. Obvious hauwane zvese zvauchanyora asi unotarisa ari pedyo and forget vamwe vese. Chinoita ucomparw varume its because iwe wacho you dont even know zvaunoda chaizvo saka une pfungwa yekuti kune vanodzikira iwe kubva kudenga. Ukange uine mafungiro aya. Zvichakunetsa.

2. Muma group nema page amuri aya. Zivai zvekunyora. Dzimwe comment nemazwi amuno shandisa ane zvaanotaura pahunhu hwako. Pane mamwe mazwi asingataurwe pane ruzhinji nemukadzi akakwana chaiko. Imagine murume wako or boyfriend yako oona comment yako yakanzi..."murume akahura, hurawo.".. unofunga kuti chii chinouya mupfungwa make? ko iko kukomenta varume vevanhu paFacebook kuti,"dai ari wangu" or kubvunza mukadzi wacho kuti, "MUNHU WENYU ANE MUNHU HERE?" Ummm ini satete ndati ngatisarasei hunhu kudaro askana. Unoziva here kurwadza kunoita kuhurirwa iwe? Ko wadarirei sisi vako? Sei madzimai tichiparadzana tega? Usadaro mwana wehanzvadzi!

3. Mamwe mapicture amunotumira pafacebook or kuisa pama profile picture. Ane zvaanotaura about you. Uye kuti you make it a habit to post a picture of you everyday wakamia magadziko, kugara beya or wakaburitsira vanhu rurimi rwako. Mnoziva zvazvinoreva here vazukuru? Mupfungwa dzevakawanda zvinodudza kuti you are seeking attention or even s*x.
Munhu Wenyu Ane Munhu Here?
Munhu Wenyu Ane Munhu Here?

4. Mukadzi wemunhu paunonyengwa paye. Wopindura uchiti "ndakaroorwa ini." Hakusi kuramba munhu ikoko. Zvakafanana nekunzi nemunhu unoba here iwe woti aaa ndinotya kusungwa. Kureva kuti chaunotya kusungwa chete, pasina izvozvo hauoni chakaipa pakuba. The same nemhinduro yenyu iyo vakadzi. Kune varume mukadzi akapindura achidaro votoona sekuti anoda zvake asi anotya kubatwa nemurume wake. Ndosaka muchiona munhurume achiramba achikunyenga iwe wakamuti une murume. Just learn to say No. Handidi and I am a happily married woman too anotya Mwari! And thats it!

5. Paunoti kungobuda kuenda patuckshop watonyengwa. Kungoti fambei wanyengwa. Vakawanda venyu munotanga kuzvikudza mudzimba. Makuona sekuti chero murume akakutamba unoswera watorwa. Vamwe venyu munotodada kuti ndonyengwa nevane mota ini. Inzwa mudikani. Its easy kunyengwa but not every man who say "I love you.." anokuda zvekukuroora or kuzogarisana mzukuru. Varume vanongonyenga kusvikira vafe, nevakadziwo muchanyengwa kusvikira murufu. Saka iwewe ukazvichengeta mumusoro uchaita maproblems mumba mako uchifunga kuti unonyengwa stereki. Wazobudamo ndipo pauchaona kuti vese vaikunyenga yaive window shopping chete.

6. Kufunga kuti kunyima murume bonde kumupfidzisa. Kufunga uku ndekwe mukadzi asina njere. Nyaya dzekunetsana kwepfungwa ngadzisiyaniswe nenhau dzebonde. Mungarege kubika mumba nekuti makatsamwisana here? Sei muchibika.? Kuda kupedza nzara ndizvo kaa. Saka kana uchinzwa nzara wakatsamwa, bonde unonyimirei umwe nekuti wakatsamwa. Mukadzidza kuita bonde mambo tsamwisana zvinoita mukasira kuregererana completely uye zvinowedzera bond yenyu. Murume anonyimwa bonde kana achiita chihure oramba kupfeka condom or achikurova. Iyeye murume anokodzera kunyimwa bonde kana kutorambwa. Vazukuru musagarire kuramba muchirohwa nekuhu*irwa, kwete, Bhaibheri rinotendera.

7. Kuudza mashamwari nhau dzemumba mako. My dear hazvina kuipa kutsvaga advice. But just because someone is your friend doesn't mean that they will not mislead you. Some friends give you mazano anokuparadza vozokuseka nevamwe vanhu kuti uri benzi. Ziva kwekuenda kana paine zvakunetsa.

Kuudza mashamwari kuti hee wangu murume wangu anehombe. Heee ndanzwa nekuiswa. Wauri kuudza uyu kwake kune nzara. The next uchamuona pamubedroom mako nemurume wako. Why? Waka marketer murume wako nemuromo wako.

8. Kana manetsana nemurume endayi kumacounsellor or vafundisi mubatsirwe. Otherwise gadzirisanai mega unless things are getting out of hand. Kana zvaipisisa zvekurambana first report kuhama dzake not dzako. Only report kuhama zvako pazvinoisa hupenyu hwako padanger. Zvimwe zvese udza hama dzake. Nekuti ukaudza dzako hama. Iwewe muchagadzirisana nyaya ichapera wotomiregerera but hama dzako dzatosviba moyo naye. Chero akazodii havachamufariri. Kusaziva kweku reporta kunokanganisa relationship yemurume wako nehama dzako.

9. MuBible murume ainzi Uriah akaurayiswa nemukadzi wake. Mukadzi akanoshama achigeza pachena kusvika David amuchiva kusvika murume arongerwa rufu. Vakadzi kumwe kubwibwinyika nekakufumuka mumaraini nekumabasa kwamunoita. Wamuchaurayisa varume venyu. Uno exposer murume wako kudanger nenhau yekukumura hembe pachena. Mukadzi wemunhu dzikama urege kungosekenyeka seka nzenza.

10.This one is worst. Kufunga kuti boyfriend inokuroora kana warambirwa kuhura naye. Anotoziva kuti iye he is the next victim. And boyfriend inokuda uchigara neumwe munhu. Ndosaka even usati waroorwa,vakomana vazhinji anokuda uri kumba kwenyu. Musi waunoita mimba anotanga kuiramba umwe anobva atiza. The same neboyfriend inotoziva kuti uri kuhura naye uri pamurume. And munhu iyeye kwaari uri hure rake. Ndiwo maudzire aanoita mashamwari ake. Kuti kahure kangu kaya. Even mukaroorana, trust yacho inozonetsa mumba imomo!

11. Kuti murume ahura woti wakuita revenge yekuhurawo. Hakuna hudofo hunokunda uhwu. Okay kana iri revenge chiuya kaa neboyfriend pamberi pake muite revenge. Unohwandirei kana iri revenge. Inoita revenge sei kana iye wacho asina chaaona. Zvinomurwadza how kuti uzoti irevenge. My dear wagara uri pfambi chete wawana mukana. Mukadzi akakwana haafumuki kukumurira umwe murume brugwa nekuti wake murume ahura. Dignity yakakosha. Don't lose yourself in the name of revenge. Zviri nane kusiya marriage yacho wozotsvaka umwe, USATADZIRE MWARI NEKUTI UMWE WAKO ATADZIRA MWARI! Ivo varumewo ngavasiye chihu*e vatye Mwari.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp