China Chemadzimai naAunty Rhoda: Singuru Mother Huya Hako Pano!

Single Mother Huya Pano! China chemadzimai ndauya zvekare.


Ndikuda kutaura nema single mother or rimwe zita rinotenderera muma street rekuti ...Mvana. Yes pane zvakaitika pauri kuti imba yako iparare kana kuti wakangopiwa mwana muridzi wemimba akaramba nhumbu yacho.Ndinoziva munhukadzi wese anoda kuroorwa nekuchata,vabereki vodyawo pfuma nekupembera asi pamwe zvoramba wo.Nhasi terera, zvibate mudikani.

Chekutanga Ita Izvi:
1. Iva Mwari wako wozvida iwe pachako.
2. Ida vana vako nevabereki vako.
3. Ida hama dzako.
4. Ozodawo zvimwe wo zvinotevera..

Usati wapinda mu relationship ask mumwe wako kuti tirikufamba sei apa. Tikuita zvekuroorana here, tikuita zvekutamba here, kana kuti tirikungofambidzana zvedu. 

ZVEKUTAMBA BODO WAKATOTAMBA KARE,NOW YOU NEED A STABLE AND GODLY RELATIONSHIP!

Zvaanenge ataura woshanda naizvozvo kwete kungoti tirikungodanana.Sugar yakavhurwa na someone akabika tea haabva apedza kunaka kwese. Zvoreva izvo anouya anobika tea ne same sugar yakavhurwa kare iya ichingotapira chete. Wakakosha iwe munhukadzi, chengetedza muviri wako,usangoti zvawava single mother zvoreva kuti life yako yaguma. Unotoroorwa iwe ukatsiga.Usaite kunge tsime repanzira rokuti wese ada anongonwa mvura imomo ,kuitwa mupedza nyota or amai mponesi.Zvirambe nezita raJesu.
Singuru Mother Huya Hako Pano!
Singuru Mother Huya Hako Pano!

Varume ava ukada kumhanyidzana navo ndiwe unopera,zviya zvekuti wanyengwa nhasi na 7am wobva watobvuma ipapo ipapo na 6pm wakutouya wakabereka ka bag ku sleepover siya. Unozvichipisa mwanasikana unoitwa pfambi kabisira varume vanotofonerana kuti kamother kaye kari kuuya karipa nzara. Zvimirire wega sezvawaiita kare usati wanyegwa, unoona kuti relationship yenyu inokura sei. Zvekuti uchingonyegwa nhasi mangwana mai vangu varwara, ndipewo mari neyekuti rent yangu ikushota siyana nazvo. 

Its a turnoff kumunhu wauri kufambidzana naye opedzisira asviba moyo iye aida kukuroora.Ukaona wasvika pa stage yekuti unozvichipisa zvekuti unoenda kumba kwe boyfriend wakatobvisa brugwa kare,unenge wakundikana muhupenyu.Evn achiziva kut uri mai 2,imbosunga brugwa.Anokuda achakunzwisisa,vekuda kupedza nyota ndivo vachati ipapo hoo.Dont be so desperate zvekufunga kut kuvhura makumbo ndokuvhura moyo wemurume.Hakuna munhu anoroora zvakachipa.Vakawanda hapana anoda kutenga hembe yaanenge aedza.Apedza kuedza unomunzwa akuti ndipei iri mupepa.Uchaedzwa ne township yese ugosara waa zitye risingaite kana kuisa mu pillow.

Ukavhura take away yako oti wese apinda omupa plate yesadza yeku taster,uchafunga kut biznes resadza rakadhakwa nekut wese acha tester achabva aenda asina kutenga.Achatengerei hake iye aguta.

Kubva nhasi don't allow desperation to lead the way. You should b in charge of your life... Ndatenda.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp