Aunty Rhoda: Huyai Pano Madzimai Titaure Kuzvisimudza

Mudzimai upgrade yourself...umwe kudya nefork and knife chaiko haagoni, Umwe kupfeka gogo ibasa akaipfeka anofamba achiita searikutyora muzura. 


Mapumps nemasandals hadzisidzo dzega bhutsu imi kagogi kanokuchinja step uye kanogadzira mahips but hamudiba kuda kupfumbura dust mumasandals. Umwemuno hatogoni kudaira fon mukombi anodaidzira searipachuru mudzimai wanhasi.

Mune umwe asingatogoni kutora mari paAtm Mukadzi mukuru.

Tirikuda madrivers licence muno muDare ReMadzimai zvekukwira mumota dzevanhu mosvika nekukwidza volume kunge dzenyu stop it!

Itawo kacourse chero kesewing or baking, kubva washaya nechawakaitawo shuwa munhu musvinu. unoshamisika

Imwe anoita puu ichinyora madziro echemba nekusatogona to sit properly mutoilet. Umwe haatogoni kuenda pa facebook chaiko.

Zvinoda kuzvi upgrader vaskana start a business nomatter how small. Ita kacourse chero kachinonoka kukupa basa.
Aunty Rhoda: Huyai Pano Madzimai Titaure Kuzvisimudza
Aunty Rhoda: Huyai Pano Madzimai Titaure Kuzvisimudza

Imo muno varimo vakadzi vasingatozive kuti robot rinoshanda sei even kuti lift inokwirwa sei uchiendawo kunana 10th floor, Umwe hatogoni kunyora proper english kuisa pastatus yake.

Zvimwe zvacho tirikuzviitisa anhuwe zvinoda kunyara, mudzimai ingoitawo shungu.

Zvakangonakawo kuziya chero matrending hairstyles coz zvimwe zvacho hazvichaite kuti tirukwe munguva ino.

Mudzimai asingazive kuti anopfeka sei....maku koshitomu ana mai vedu uchiri kuada eyiko. Zvinotyisa chaiko mudzimai mukore uno haugoni kunwira drink muglazy kana uchimwa nerice kuona rice flying muglazy imomo, munoendwa sei nemi kumabusiness lunch mai nhanha. Vamwe hamutogoni kudya makavhara muromo kuita separikudya bhoki, moenda sei kusemina or kuma lunch nana dzedzi.

2021 igore rekuchinja malevel pane chaunoti apa ndichakasara apa....handbag dzimwe chirasai yaruza mazipi iyo, ita hako 1 handbag but yakanaka inobudisika pane vanhu even isina mari.

Be your own motivator kutozvitarisa pamirror and challenge yoself kuti pakuda kuti ndiende kuxuru apa.

Umwe haatogone kucliper seat belt.

Umwe akarara masheets anomuka aripasi mapillow zvese iye anenge atorara pamattress, kuenda kumisangano kuchurch vanhu kurara vakagara vachibhowekana newe nekusagona kurara.

Dzidzirawo kupfeka bra nekugona kuri adjuster mabhande ayo asabude nekuruoko kwehembe, dzidzirawo kugona kuyanika hembe paline.

Dzidzirawo kujusa magetsi chaiko mudzimai.

Musatityisidzire plz nemake up dzisingaite, tinovhundukaka! zivawo zvinoda face yako. Murikusiiwa nevarume kuma couples outing ekubasa nekusagona kuziva kuti nyama inodyiwa kusvika papi, kurikwekweta vanhu vese kupedza kudya iwe uchingori naro bhonzo nemaoko atoita kuomera masadza egoch goch. Usanyepere kuziva zvese, tinoda kuita zvino fambirana nenguva uye nezera.

Kune madzimai asingatogoni kuverenga payslip yashewe haatozive kuti pakanyorwa yaanotambira yacho ndepapi.

Ndogumira pano nhasi!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offence). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp