Zvangu Zvichaitawo Chete!!!!

Zvangu Zvichaitawo Chete!!!!


Johane 5vs1-8

Pane muchinda airwara paBethesda akaita 38years aripo. Abvunzwa naJesu kuti chii chaiitika paari anoti, 'Ndinoshaya anondiwisira kana mutumwa auya kuzobvongodza mvura, ndinotangirwa nevamwe'. Nyaya yakaita kuti muchinda agare nguva yakareba aripadziva achirega kuzama zvimwe...kuona vamwe vachipora. Iyoyo ndiyo yakamusimbisa kuti kana vamwe vachipora saka zvangu zvichaitawo chete.
Zvangu Zvichaitawo Chete!!!!
Zvangu Zvichaitawo Chete!!!!

Batisisa apa hama yangu. Yes, vakanditangira kuziva Mwari vava kumberi coz vakawana vakavawisira mudziva but handibvi padziva. Zvangu zvichaitawo chete. Vamwe vakazoroorwa ndava mumba,,,,ndikapembererawo muchato wavo,,nhasi vana vavo vava kuSecondary ini ndisina but handibvi padziva...Zvangu zvichaitawo chete. Vakauya pabasa ndavapo, nhasi vava mashefu angu but padziva handibvi...Zvangu zvichaitawo chete. Vakazoshanda ini ndava pabasa yes...but vava nepfuma kundidarika however, padziva handibvi...Zvangu zvichaitawo chete!!!!


Hama mudikanwi ndinoziva ukafunga upenyu hwako misodzi inogona kubuda. You are in a bad situation. Satan akutambudza,,,,,tariro yava kunetsa but padziva usabva. Ivo vawakaona zvavo zvichiita it means zvinoita. Muchinda akamirira 38 years haana kuzoita zvekuwisirwa mumvura akangonzi simuka ufambe. Ukaramba uripanzvimbo musi wazvinoita unokurumidza kusimuka. Zvavo zvingaita nhasi but handirasi tariro,,,,,Zvangu zvichaitawo chete!!! Ndinotenda kana wasimbiswa.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp