Nyangwe Ukabatwa Musoro Hazvibatsire Kana Musoro Wacho Usina Chinhu

Mbuya nemuzukuru, vanga vanzwa nenzara. Semazuva ese muzukuru akatora poto ndobva aisa pamoto. 

Chinguvana pakabvawo pati vaenzi vatatu pfachaa. Mbuya ndokuti "muzukuru chinja poto, chiisa yevanhu vashanu." ivo nemuzukuru nevaenzi vatatu. Sezvinei chizukuru chakachinja poto. Achingoti poto pamoto vamwe vaenzi vana pfacha. Mbuya vakasheedzera "chinja poto chiisa yevanhu vapfumbamwe." Muzukuru akaita saizvozvo. Sadza rakabikwa ndokuibva.

Pakupakura sadza mundiro makawanikwa mune rinokwana vanhu vaviri. Muzukuru chaakakwanisa kuita kuchinja poto chete asingachinji zvemukati.

By Bishop Pride Sibiya
Mubvunzo woti iwe mutendi hausi kuchinja machurch here usinga chinji zviri mukati memoyo wako? Hausi kupedza nyika yose here kutsvaka maporofita iwe moyo wako wakaoma. Semuzukuru akapedza poto dzese dzambuya vake achiisa pamoto asi mvura nehupfu haana kuchinja. Mwari vatibatsire Kuti tichinje zvemukati.

Kubatwa musoro naProphet Powerful zvakanaka asi mumusoro macho mune chinhu here? Kuenda kwaApostle Amazing kwakanaka asi wachinja hunhu hwako here? KwaEvangelist Electricity bhoo stereki asi unekutendawo here? KwaPastor Promotion kunonakidza asi past wakasiya here? 
Nyangwe Ukabatwa Musoro Hazvibatsire Kana Musoro Wacho Usina Chinhu
Nyangwe Ukabatwa Musoro Hazvibatsire Kana Musoro Wacho Usina Chinhu

KwaTeacher Touch yes but shoko ririkubata here? Chii chawakasiya nekuti waakunamata?

Hazvibatsire kungoita mwana waPapa usiri mwana waMwari, kungonyorwa samember weChurch iro zita rako risina kunyorwa mubhuku reupenyu, kuva mwana weGlory asi wakadzima, rima zvaro pasina mwenje kana glory yacho!

Iyi nyaya yandibatabata. Ndiri kubva kunotora report book renyu rezvidzidzo, haa harina kumbomira zvakanaka:

Maths 15%
Accounts 9%
Facebook 98%
English 15%
Biology 27%
Makuhwa 100%
Kunyeya 82%
Whatsapp 99%
Kunamata 1%

Hanzi nateacher Mweya Mutsvene sungayi dzisimbe pachidzidzo chekupedzisira.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp