18+: Kudhonza Ma**inji NaTete.

18+: Kudhonza Matinji NaTete.


Chekutanga vasikana nemhandara ngatizive kuti havasi vese varume vanofarira matinji. Zvakanaka kutanga waziva zvinoda mumwe wako kana asingade usanetsekane nazvo asi kana achizvida sadharara mainini matinji abude awo.

MATINJI CHII?

Ukatora girazi ukazvitarisa naro pamberi wakavhura zvidya, uchaona kuti pamberi pane zvinyama zvakatsetseka zvakaita sokurembera zviri kumativi maviri emaburi maviri, reweti nerekuiswa chombo. Zvinyama izvi zvakaita brownsh in colour Zvakafukidza maburi aya uye zvakaunyana kana usina zemo (usinganzwe kuda mbow row). Ukaita zemo zvinoita kakuzvimbirira mbijana zvoregedzerena. Zvakaita semalips uye hazvimeri choya. Zviri mukati me maromo echitubu anomera choya. Zviri zviviri zvinosanga kuno kumusoro zvichipedzisira zvaita ganda rakafukidza chibhinzi. Zvinyama izvi ndizvo zvinonzi MATINJI.
18+: Kudhonza Ma**inji NaTete.
18+: Kudhonza Ma**inji NaTete. 

Shoko rokuti matinji (stretched labia) rinodudza nyama dzakareba dzinoonekwa kana hwabvu hutete hwenhengo hwadhonzwa.
Chiitiko ichi chinodanwa nezita rokuti kutanya uye chinonyanya kuitwa nevasikana vachiri vadiki vachiine nyama nhete dzinobvuma kudhonzwa dzichireba. Vamwewo vanoti kutanya kwakafanirwa kuitwa panguva yokunge mudzimai ari pakubindura (ovulation kuEnglish) apo pamotarisirwa kuti nyama dzinenge dzakapfava muviri wemudzimai uchigadzirira kugamuchira mbeu yababa.

Tsika yekutanya inowanikwa kuchamhembe kweAfrica kunyanya muZimbabwe, Zambia neMozambique. Pakati peAfrica tsika iyi inowanikwa kuRwanda. Vanotaura vanoti kutanya kunobatsira kuchipa murume zvekutambisa zviri nyore zviri pachena panotanga nyaya dzepabonde uye kuti matinji anobatsira kusvitsa mukadzi panguva yokuchemerera.
Kuchekwa hwabvu hutete.

Kune nyika dziri kuEurope neNorth America vakadzi veko vanoenda kunoona ana chiremba kuti vagadzirwe nhengo dzive nechimiro chavanoda ivo. Pane ava kune vamwe vanoenda vachikumbira kuchekwa hwabvu kuti huite hudiki. Tsika iyi inotaridza kuti inoitwa nokuda kwekuti vakadzi ava kana varume vavo vanenge avsingagutsikane nekuvakwa kwakaitwa nhengo dzavo. Vamwewo nokuti vanoita zvokushambira uye kuzambira mushana vakapfeka mbatya dzokushambira, vanoda kuti nhengo dzavo dziite diki dzirege kuonekera pambatya idzi.

Tsika iyi yekudhonzwa kwematinji inoitirwa kuti mukadzi kana achinge ave nemusuwo wenhengo wakakurisa anomapetera mukati kuti nhengo yemurume isangopinda nyore izvo zvinoita kuti bonde rive rinonakidza vaviri apo yababa inenge ichiita zvekumanikidzira kupinda muneyamai. Matinji akadhonzwa anotota nekukasika zvichienzaniswa neasina kudhonzwa, kana nhengo yemurume iri diki matinji anopeterwa nechekuzasi kwenhengo yamai kuitira kuti nhengo yababa diki iwanikwe ichi gunzva nechekudonono remukadzi izvo zvinoita kuti mukadzi asa siiwa nenzara yebonde zvinowanzoitika kana nhengo yemurume iri diki kana nhete zvichienzaniswa neyaamai riri. Zvisinei munhu asina kudhonza haafanirwe kuitwa body-shaming kana kutsvinyirwa nekuti munhu anoita zvaanoda nemuviri wake!

Regai ndigume nekuti izvi zvakakosha kuti tizive tichengetedze misha yedu yepanyika, asi ndimbobvunzawo, musha mava nawo here kudenga? Izvi zvinoitwa bedzi nekugashira Jesu Kristu saIshe naMambo weupenyu hwako woenda kukereke, uchirava shoko rake nekuudzawo vamwe pamusoro pake.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp