Anoda kudya muchero wakarambidzwa but michero yaibvumidzwa ainge asati apedza kuidya.


Ndiyo yanetsa kaiyi, yekuti munhu anoda kuita zvakarambidzwa but zvinobvumidzwa haasati apedza.Nemhaka yei uchida kuita small house but iwe usati wapedzerana ne big house. Mudzimai umwe anotonetsa kufadza wani?
MUST READ: Problem YaAdam!
MUST READ: Problem YaAdam!

Unoda kutsvaga chikomba but love nefamily yako hapana zvamati maita. Murume wako wamupedza here?

Unoda kumwa hwahwa, but majuice anopa hutano hamusati mamwa.

Unoda kuverenga mastars and horoscopes, but madaily devotions hamudi kuverenga.

Unoda kuverenga mathick volume novels, but Genesis chaiyo hamusati mapedza.

Unoda kuputa mbanje but oxygen yemahara iyo hausati wapedza kuikweva.

Unoda kunetsana nemaKristu but satan hausati wapedza naye. Haaaaaah iwe mhani chimbopedza nezvawakabvumidzwa timboona. MWARI akuitirei zvakanaka muwane zvamunoshuva pamwoyo yenyu zvichibva mumaoko aMWARI tisabata nemanomano.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.