Madzimai Akaroorwa Huyai Pano. Mamistakes Aya Gadzirisai

VAKADZI VAKADZI: Ndoda kumbotaura mamistakes amunoita paupenyu hwenyu anogona kuku kanganisirai marelationships or marriage dzenyu.


Comparing murume wako or boyfriend yako nevamwe varume.

Varume vese vamunoona ava hakuna asina weakness yake. And weakness yeumwe istrength kuumwe. Saka uyo waunoyemura uyo. Unomuyemura nekuti hauna kumbodanana naye. Ukapihwa mukana unogona kuzvituka. Nhau haisi paku compare varume kuti ari better ndeupi. Nhau iri pauri iwe kuti uzive murume waunoda. Kugona kunyora zvaunotsvaga pavarume.

Obvious hauwane zvese zvauchanyora asi unotarisa ari pedyo and forget vamwe vese. Chinoita ucomparw varume its because iwe wacho you dont even know zvaunoda chaizvo saka une pfungwa yekuti kune vanodzikira iwe kubva kudenga. Ukange uine mafungiro aya. Zvichakunetsa.

Kunyepa kuti uri mhandara.

Vasikana woye.! Varume havasi kumbotsvaga mhandara ava. Paanotokunyenga paye anenge asingakungengi kuti azive kuti uri mhandara here. Paanobvunza paye kuda kuziva. Iwe wobva wanyepa manje kuti uri mhandara. Nyaya yese ndipo painokanganisika ipapo. Paachaona kuti hausi mhandara. Chichamutsamwisa hakusi kuti hausi mhandara. Achatsamwa kuti wakanyepa. Achaona sekuti all about you is fake. Ndinoziva variko vasingabude ropa murume oti saka wanga usiri mhandara. Ndichaibata rimwe zuva iyoyo. Apa ndakanangana nevanotonyepa iye achiziva. Once murume wamunyepera nezveumhandara chero achikuda sei marriage yenyu yatove pachitekete.
Madzimai Akaroorwa Huyai Pano. Mamistakes Aya Gadzirisai
Madzimai Akaroorwa Huyai Pano. Mamistakes Aya Gadzirisai

Kufunga kuti kupa mukomana bonde ndokuti aite serious newe. Aya mafungiro emukadzi akapusa aya. Murume anokuroora because anoda kukuroora not because wamupa bonde. Anokuroora because aona uri munhu waangakwanise kugara naye not because waijamba nechikapa kusvika paroof yemba. Ndipo paye pamunozoti akusiya achinoroora umwe. Moti varume imbwa.

No,imbwa ndiwe unongovhurira murume wese wawadanana naye uchiti akuroore. Selling yourself so cheap. Kuvarume sex ndeye pleasure chete. Togona kuita sex nemunhu watisinei naye. And hakuna murume anouya kwauri achi..."ndiri kuda kungorara newe chete,ndapedza ndokusiya.."...murume wese anotokuvimbisa future.

Muma group nema page amuri aya. Zivai zvekunyora.

Dzimwe comment nemazwi amuno shandisa ane zvaanotaura pahunhu hwako. Pane mamwe mazwi asingataurwe pane ruzhinji nemukadzi akakwana chaiko. Imagine murume wako or boyfriend yako oona comment yako yakanzi..."murume akahura, hurawo.".. unofunga kuti chii chinouya mupfungwa make?

Mamwe mapicture amunotumira pafacebook or kuisa pama profile picture.

Ane zvaanotaura about you. Uye kuti you make it a habit to post a picture of you everyday. Mupfungwa dzevakawanda zvinodudza kuti you are seeking sexual attention. Ko ite munhu akaroorwa kana achingoita mapikicha anobudisa mikaka panze anoti zvidii, handiti makati varume ipwere, zvinoguma zvakanaka here apo? Zvichiri zvekutya Mwari here izvo vatendi? Ko iyo yekuzongoti every picture unobudisa kumashure nemagadziko, zvinoitawo here?

Mukadzi wemunhu paunonyengwa paye.

Wopindura uchiti ndakaroorwa ini. Hakusi kuramba munhu ikoko. Zvakafanana nekunzi nemunhu unoba here iwe woti aaa ndinotya kusungwa. Kureva kuti chaunotya kusungwa chete,pasina izvozvo hauoni chakaipa pakuba. The same nemhinduro yenyu iyo vakadzi. Isu varume mukadzi akapindura achidaro totoona sekuti anoda zvake asi anotya kubatwa nemurume wake. Ndosaka muchiona munhurume achiramba achikunyenga iwe wakamuti une murume. Just learn to say No. Handidi.! And thats it.!

Paunoti kungobuda kuenda patuckshop watonyengwa.

Kungoti fambei wanyengwa. Vakawanda venyu munotanga kuzvikudza mudzimba. Makuona sekuti chero murume akakutamba unoswera watorwa. Vamwe venyu munotodada kuti ndonyengwa nevane mota ini. Inzwa mudikani. Its easy kunyengwa but not every man who say "I love you.." anokuda zvekukuroora. Varume vanongonyenga. Saka iwewe ukazvichengeta mumusoro. Uchaita maproblems mumba mako uchifunga kuti unonyengwa sterek. Wazobudamo ndipo pauchaona kuti vese vaikunyenga yaive window shopping chete.

Kufunga kuti kunyima murume bonde kumupfidzisa.

Kufunga uku ndekwe mukadzi asina njere. Nyaya dzekunetsana kwepfungwa ngadzisiyaniswe nenhau dzebonde. Mungarege kubika mumba nekuti makatsamwisana here.? Sei muchibika.? Kuda kupedza nzara ndizvo kaa. Saka kana uchinzwa nzara wakatsamwa,bonde unonyimirei umwe nekuti wakatsamwa. Mukadzidza kuita bonde mambo tsamwisana zvinoita mukasira kuregererana completely uye zvinowedzera bond yenyu. Murume anonyimwa bonde kana achiita chihure oramba kupfeka condom or achikurova. Iyeye murume anokodzera kunyimwa bonde.

Kuudza mashamwari nhau dzemumba mako. My dear hazvina kuipa kutsvaga advice. But just because someone is your friend doesn't mean that they will not mislead you. Some friends give you mazano anokuparadza vozokuseka nevamwe vanhu kuti uri benzi. Ziva kwekuenda kana paine zvakunetsa. Kuudza mashamwari kuti hee wangu murume wangu anohombe. Heee ndanzwa nekuiswa. Wauri kuudza uyu kwake kune nzara. The next uchamuona pamubedroom mako nemurume wako. Why? Waka marketer murume wako nemuromo wako.

Kana manetsana nemurume. Please do not go straight kuhama, they are part of you guys and have an emotional attachment which may cloud their decisions. Look for a pastor or someone you both respect, a counsellor of note ane marriage yakanakawo. Only report kuhama zvako pazvinoisa hupenyu hwako padanger. Nekuti ukaudza dzako hama. Iwewe muchagadzirisana nyaya ichapera wotomiregerera. But hama dzako dzatosviba moyo naye. Chero akazodii havachamufariri. Kusaziva kweku reporte kunokanganisa relationship yemurume wako nehama dzako.

MuBible murume ainzi Uriah akaurayiswa nemukadzi wake. Mukadzi akanoshama achigeza pachena kusvika David amuchiva kusvika murume arongerwa rufu. Vakadzi kumwe kubwibwinyika nekakufumuka mumaraini nekumabasa kwamunoita. Wamuchaurayisa varume venyu. Uno exposer murume wako kudanger nenhau yekukumura hembe pachena. Mukadzi wemunhu dzikama urege kungosekenyeka seka nzenza.

This one is the worst. Kufunga kuti boyfriend inokuroora kana warambirwa kuhura naye. Anotoziva kuti iye he is the next victim. And boyfriend inokuda uchigara neumwe munhu. Ndosaka even usati waroorwa,vakomana vazhinji anokuda uri kumba kwenyu. Musi waunoita mimba anotanga kuiramba umwe anobva atiza. The same neboyfriend inotoziva kuti uri kuhura naye uri pamurume. And munhu iyeye kwaari uri hure rake. Ndiwo maudzire aanoita mashamwari ake. Kuti kahure kangu kaya.

Kuti murume ahura woti wakuita revenge yekuhurawo. Hakuna hudofo hunokunda uhwu. Okay kana iri revenge chiuya kaa neboyfriend pamberi pake muite revenge. Unohwandirei kana iri revenge. Inoita revenge sei kana iye wacho asina chaaona. Zvinomurwadza how kuti uzoti irevenge. My dear wagara uri pfambi chete wawana mukana. Mukadzi akakwana haafumuki kukumurira umwe murume brugwa nekuti wake murume ahura. Dignity yakakosha. Don't lose yourself in the name of revenge.

Mugare munyasha vanhuvashe.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp