Kuchemedzwa NeSide-Chick: BIG NO!

This piece is dedicated kune umwe mwanasikana wangu-so! Munhukadzi batsirika apa.


Zviya zvekuchemedzwa nehure zvakafumuka uye zvakasara kare chaiko. Mukore uno kuchemedzwa nehure kupusa maimwana. Mhamha gezai, mozora mafuta, pfekai zvakanaka mokama musoro wenyu kana muinebvudzi, mozvitora pic rakanaka uchisekerera, moisa pastatus penyu muchitaridza kuti hamuna kana stress. Hakuna chinhu chinochembedza kana kuuraya sestress.

Murume haana mugoni mhai uye kuchema kwenyu kana kupopota hakugadzirisi chinhu, unofa uchimusiya nekufunga maside chicks ake apa mamwe haasiri maside chicks ave mazichongwe achembera apera manhenga Shure kwese uku.

Zvekutsvaga number dzehure remurume munozvitambudza mahara mhai nekuti pamucharifonera rinokuudzai zvinokurwarisai neB.P.

Ukaona ariiye akufonera kuti murume wako ndodanana naye iwe ingoti don't worry hausiwe wekutanga makatowanda mahure avo saka ndazvijaira zvekudya takawanda.

Akati ndine nhumbu say maita munyama vana vake vemusango vawandisa zvino motoshinga kuchengeta mwana mainini.

Akati ndine Aids iwe iti ndakatotangira murume kunwa mapiritsi saka kana musati mavekunwa motokasika mhai munofa.
Kuchemedzwa NeSide-Chick: BIG NO!
Kuchemedzwa NeSide-Chick: BIG NO!
Ndikunzwe uchichemedzwa nemadhadha iyaya futi.

Usapusiswe wangu make sure chero ukarwadziwa usacheme murume achiona, chemera muprayer, wopukuta misodzi, wotanga zvako kusekerera so.

Kwete kubongomora nekuma status uchinyora zvisinabasa

Umwe anoti uchandifunga ndaenda, heee uchaona kukosha kwe chikorobho warasa mvura mutikutotaridza vanhu kuti munopererwa mhai. Varume vacho vapanduka mazuvaano. Anobva akupindura kustatus yakewo kuti "kana uriwe chikorobho kubva ichaoma yega" kana kuti "ndichainanzva kusvika yaoma".
Kuchemedzwa NeSide-Chick: BIG NO!
Kuchemedzwa NeSide-Chick: BIG NO!
Saka zvese zvekunyora mafoolish statuses siyai maimwana hazvishandi asi kurarama a positive life ndokuzvipedza. Chingoita seusinei nazvo soo, uchipopotera Mwari paminamato ...woti but why my God. Mwari vega ndivo vanokusunungura mumatambudziko ako wowana mufaro mumba mako, kwete kushambadza kupererwa kwako pastatus unozvoshoresa.

Mwari vakuitirei zvakanaka madzimai. Chikuru namatira imba yake, naivo varume tiri kuvadzidzisa kunamatirawo dzimba dzavo. Svondo enda kuchurch unorumbidza Mwari wako kusvika Satani apera simba, there is power in praise!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop:
Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp