Mapfekero Echifeve-Ka Aya! Ummmm!

Mapfekero Echifeve with Apostle Pride Sibiya: Judah anga asina kubvira achiva muroora Tamar but vakarara vose coz Tamar anga apfeka sechifeve.


So, Judah akapinda pahupombwe nokuda kwezvapfekwa. Genesis 38vs12-17.

Tamar paanga akapfeka nguwo dzeuchirikadzi, Judah aiti, 'hoyo muroora' but musi wapfekwa sechifeve vatezvara vanoti, 'ndaiwana pfambi'. (Genesis 38vs12-17) Same munhu waita zviviri paari nekuda kwezvapfekwa. Nhasi ndoda kumbobata nyaya inogona kundiita unpopular nevanhu but chiri chokwadi. Nyaya yeDressing!!!!

Judah achisimuka kumba akanga asiri kundotsvaga pfambi but chipfambi chakazoitika zvacho asangana neakapfeka sepfambi panzira. Rwendo rwekumakwai rwakazova rwendo rwechipfambi.

Nzwisisa iri pano iyi. Hapana kana patinonzwa chirikadzi Tamar achiita upombwe during her tyme achipfeka sechirikadzi. Upombwe hwakazovapo musi wapfekwa sepfambi. Hapana patinonzwa kuti Judah akaona runako rwemuroora wake but runako rwakaonekwa musi wapfekwa sepfambi. Ko iwe unopfeka semuKristu here? Vamwe vanoti, 'kupfeka hakuna basa chikuru mwoyo wako'. Yes!! But wakapfeka sei?

Mai veruwadzano mukaona muchiti pakufamba miridzo inoridzwa netukomana tweBronco, zvibvunzei 'Handina kupfeka sepfambi here?'. Nemiwo sister, hongu hamuna kuroorwa but seiko imi moga pakati pavamwe. Chikaranga choti, 'nyama yakaora inofarirwa nenhunzi'. Mukoma seiko muchiti pakufamba ndimi munokumbirwa mbanje of all the people. Haaah, imi makambopfeka sei?

Soko roti, 'ko hamuzivi here kuti miviri yenyu itembere yaJehovha?' (1 Cor 6vs19). Hakuna kunzi mwoyo wenyu itembere yaJehovha, kwanzi miviri. Saka tembere yaJehovha ndiyo here yawapfekedza 'mini'? Ndiyo here tembere yaJehovha inorembedzwa trouser? Kwete kupopotera madhara egonyeti kuti, 'kwanai hamuoni ring here?'. Ring vaiona but mapfeka sechifeve. Hama yangu ndokukumbirisa kuti ugamuchire Jesu saIshe naMambo weupenyu hwako izvezvi!

"Ishe Jesu pindai mumoyo mangu ndikunamatei misi yese yeupenyu hwangu."
Mapfekero Echifeve-Ka Aya! Ummmm!
Mapfekero Echifeve-Ka Aya! Ummmm!

Ivai nezuva rakanaka. Nyasha dzaMwari dzive matiri.

Na Apostle Pride Sibiya

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense). The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp