Varume Huyai Pano Izvezvi: Todii Madzimai Edu Atione Semusoro Wemba Kwete Imbwa?

CHII CHINGAITWE KUTI MUKADZI AONE MURUME WAKE SEMUSORO WEMBA?


Kana uri murume awana mukana wekuverenga nyaya ino. Teerera mashoko angu aya.
Kukudza murume hakumanikidzwi. Hakugarirwe munhu dare. Mukadzi kukupa respect isarudzo yake(voluntary) uye anozviita kana paine chikonzero chekuti azviite. Kana pasina hazvimubatsiri kukudza murume saka chero mukaswero daidza vana tete,kupopota kuti ndoda unditerere, hapana chinobudapo.

Chii chingaitwe.
1. Ida mukadzi wako nerudo rwunoonekwa naye. Mukadzi wako anofana kunzwisisa kuti pamba pano ndinodiwa uye ndinokoshera murume wangu..Nhau haisi pakuona kwevamwe vanhu asi pakuona kwemukadzi wako. Varume vakawanda mune dambudziko rekuti ndozonzi ndakadyiswa. Naani.? Nevanhu.! Vanhu vauri kudaro ava ndivo zvee vachakuseka kana mukadzi aona seusina hanya naye otanga kushaya respect newe.Mukadzi wako ngaazvionere ega azvinzisise kuti iwe unomuda.
Todii Madzimai Edu Atione Semusoro Wemba Kwete Imbwa?
Todii Madzimai Edu Atione Semusoro Wemba Kwete Imbwa?

2. Kana uchitaura nemukadzi or nezve mukadzi wako kune vamwe vanhu, usataura zvisina respect nekumufumura. Taura zvinoratidza kuti iwe wakagona kusarudza mukadzi. Ngaagutsikane kuti haumunyeyi kushamwari dzako kana hama dzako.

3. Mubedroom, usarara wakafuratira mukadzi. Kana wafunga kufuratira, tanga wakumbira kuti ufuratire. Zvinoita sezviri silly but itori nhau inokosha iyoyi. Usaite tsika yekusiya mukadzi achitungamira kunorara iwe wosara zvako paT.V. Vakadzi maemotional beings. Vanogona kufadzwa nezvinhu zvidiki diki kana kutsamwiswa nezvinhu zvidiki diki iwe uchitoti hapana kana nyaya yakanganisika. Muri muma blankets gumbatira mukadzi wako womuswededza pedyo newe mazamu ake ari pachest pako,hana dzichiroverana. Muudze mafadzire azvinokuitA kuva naye. Purudzira musana wake nemagadziko muchiita nyaya. Ndiyo nguva yekumuudza kuti chaunofarira pabody yake chii, face here, mazamu, zvidya, magadziko, maziso, muromo, etc. Ndezvipi zvinokufadza. Uchaona ave kukupa kuti ufadzwe nazvo.

4. Pakuronga zvemari. Chero mukadzi achiswera pamba asina company yaanoshandira. Haungotore mari woshandisa umwe asingazivi. Mukadzi anoda kuziva kuti unowana mari kubasa kwamo. Murume nzwisisa kuti wawana mari svika nayo kumukadzi wako muronge zvekuita nayo.Chero chinhu chidi kidiki rongai mese. Mukadzi akati ane zvaanodawo kuita zvinounza mari.Bvunza pfungwa dzake kuti anoda kuzvifambisa sei. Iwe woona kuti womubatsirawo sei pafungwa yake. Kana zvatanga chirega kuda kumu manager pazano raakauya naro.

5. Vakadzi vanhu vanopedza hasha nekupopota. Asi iwe ndiwe mukuru mumba, taridza kuti uri mukuru. Ungave uri mudiki pamakore asi pachigaro chemusha ndiwe mukuru. Ukapopotawo sezvinoita vanhukadzi, zvitaridza kuti hauna kusiyana nemunhukadzi saka hausiwe mukuru.
Usarega kutsamwa kwenyu kuchisvika pakubatwa nehope makatsamwisana. Dzidza iwe kugadzirisa nyaya yanetsa. Ndiwe mukuru saka ratidza mukadzi gwara kuti nyaya dzinogadziriswa sei pamusha penyu. Ukaona achiri akabatikana mudaidze kana kuensa paari. Womuudza kuti.manetsana zvenyu asi unomuda. Uri kuda muise nyaya yanetsa paside mudzokere mukufara. Mupe mukana wekutaura iwe wakateerera. Apedza womuudza kuti wanzwisisa womumbundikira nekumupawo kiss uchimupembedza nezverunako rwake. Uchaona kuti mukadzi haatane kudzokedzana.

6. Pakutsiura vana. Usave nenguva yaunoti mwana asapihwe discipline namai vake nekuti haana chaatadza. Siya arohwe or kupihwa punishment iyoyo kunyangwe iwe uine mamwe maonero. Hapana mai pavanouraya mwana iyeye. Mazove penyu mega wemuonesa maonero ako uye kuti asapote achidaro vana. Vana ngavazive kuti mai nababa munhu 1.

7. Pakuita bonde nzwisisa kuti mukadzi anoda kuguta. Hakuna chinopa mukadzi hasha nekushora murume, sekusiiwa nenzara. Hakuna chinhu chinobhowa sekungonzi koi-koi tsaa-tsaa. Kana uine dambudziko rekukasira kurasa mbeu. Ona kuti ragadzirika here. Dzidza body yemukadzi wako uye kuti anonakirwa nei pabonde. Mapedza usabatwa nehope iye achakasvinura. Ndiwe mukuru mumba ndiwe unotanga wapa mukadzi hope ari mumaoko ako, iwe wozobatwawo nehope. Kana akakufuratira iye iwe swedera padhuze naye woisa ruoko kuseri kwake womudhonzera pauri. Wochimurega akotsire akadaro. Chikuru chinoita kuti tinzi tirimbwa inyaya yekuhura, varume ngatigutsikanei nemadzimai edu. Miyedzo iriko yakawanda asi tikatya nekunamata Mwari vanotibatsira.

Varume tiri misoro, hatisi imbwa!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.

Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).

The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp