Thursday, 27 August 2020

Married Pot Irikupisa: Marrieds Come Here!

Marriage Pot






Unoziva here kuti performance yemunhu kubasa inoenderana nemamiriro emarriage kumba. Chinhu chinonzi marriage chine contribution yakakurisa pa production ye company.


Unoziva here kuti ma road accident mazhinji anoitika ukabvunzisisa unowana kuti mumba mabudiwa mune contribution.


Performance yemwana kuchikoro maticha akangwara akaona mwana oderera vanobvunza mwana kuti kumba kwakanaka here.

Happy Marriage


Kana pane chinhu chatinga shingairira kuti chitapire muupenyu I marriage bcoz hurombe, kufuma, rufu,upenyu zvese zvinogona kubikwa ipapa.


Ndichikura ndaiziva kuti hapana chino shaisa mufaro pasi pano sebhutsu inoshinya but ndakura ndakazoona kuti bhutsu inoshinya iri nani pa marriage isina mufaro.


Marriage yenyu yakamira sei baba namai ? Dzimwe dzimba dzakuto tyisa nenyaya yokuti marriage chava chitunha . Ndiani angagara nechitunha mwedzi wese agoita mufaro? 


Kana marriage yava chitunha ndopaunoona murume asisafarire kugara kumba. Kana marriage yava chitunha ndopaunoona amai vasingachawanikwi pamba vogara Ku next door kuma friends kuno fura mhepo.    Hama dzangu dai Mwari vatibatsira. Pane ma marriages mamwe avapa oxygen chaipo akufema akatsigirwa zvokuti pakangoita ndururani ikadzima oxygen chokwadi inenge yamirira kuvigwa.


Chinofadza ndechokuti marriage chero yanga yafa zvakadii kana pahuviri hwenyu one akangoda hake haitani kumuka ipapo ikatoita chigwindiri.


Chauraya ma marriage inyaya yokuti ini handibviri uyu achiti handinzarwo . Pane time yandinombova humble nechikonzero chekurwira marriage yangu. Haasi ma arguments ese andofanira kupedza ndichiti ndini nda winner. Kukumbira mkadzi/mrume wangu ruregerero hakurevi kuti ndaderedzerwa zvakanyanyisa but I injection inopa utano Ku marriage yangu.


Ungasvika rini wakachengeta chitunha che marriage mumba uchitadza kuzvinipisa marriage imuke iyo. Dzimwe nharo dzinokoka urombo mumba bcoz Mari chaiyo haiuyi mumba mune confusion.


Imwe marriage yakango mirira sorry yako kuti imuke.


Chokwadi here vana kuita nherera nekuda kwenharo dzamai kana baba.


Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.



Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.




Copyright: Brand Pride Sibiya (tempering with the article without permission of Brand is a criminal offense).




The views shared in this article may not necessarily be the same as those of the brand.

No comments:

Post a comment

Contact Form

Name

Email *

Message *