Marriage Pot: Honaiwo Kurwiswa Kwe-Marriage, Munotiiwo?

Kana pane chinhu chiri kurwiswa zvakanyanya na Satan munguva ino I marriage. Bcoz the devil he knows kuti akabata marriage akata nyika yese even the economy chaiyo. 


Unoziva here kuti performance yemunhu kubasa inoenderana nemamiriro e marriage kumba. Chinhu chinonzi marriage chine contribution yakakurisa pa production ye company.

Unoziva here kuti ma road accident mazhinji anoitika ukabvunzisisa unowana kuti mumba mabudiwa mune contribution.

Performance yemwana kuchikoro maticha akangwara akaona mwana oderera vanobvunza mwana kuti kumba kwakanaka here.

Ku Church chaiko vanhu vano temesa vafundisi musoro nemakuhwa,kurovha,kusadaira AMEN ukatarisisa unogona kuona kuti problem iri kumba.

Kana pane chinhu chatinga shingairira kuti chitapire muupenyu I marriage bcoz hurombe ,kufuma,rufu,upenyu zvese zvinogona kubikwa ipapa.

Ndichikura ndaiziva kuti hapana chino shaisa mufaro pasi pano sebhutsu inoshinya but ndakura ndakazoona kuti bhutsu inoshinya iri nani pa marriage isina mufaro.

Marriage yenyu yakamira sei baba namai ? Dzimwe dzimba dzakuto tyisa nenyaya yokuti marriage chava chitunha . Ndiani angagara nechitunha mwedzi wese agoita mufaro? 

Kana marriage yava chitunha ndopaunoona murume mukuru achibva  kubasa asina kana cent ondotandara kubhawa achi pocha diro revafana usiku hwese.

Kana marriage yava chitunha ndopaunoona amai vasingacha wanikwi pamba vogara Ku next door kuma friends kuno fura mhepo.    Hama dzangu dai Mwari vatibatsira

Pane ma marriages mamwe avapa oxygen chaipo akufema akatsigirwa zvokuti pakangoita ndururani ikadzima oxygen chokwadi inenge yamirira kuvigwa.

Ukaona baba voshinga kugocha 2 kg nyama nema friends but mkadzi achingo rova vegetables ziva kuti marriage yamirira manyaradza chaiwo kana mkasa kurumidza kutsvaka Jesu.

Chinofadza ndechokuti marriage chero yanga yafa zvakadii kana pahuviri hwenyu one akangoda hake haitani kumuka ipapo ikatoita chigwindiri
 .
Chauraya ma marriage inyaya yokuti ini handibviri uyu achiti handinzarwo . Pane time yandinombova humble nechikonzero chekurwira marriage yangu. Haasi ma arguments ese andofanira kupedza ndichiti ndini nda winner. Kukumbira mkadzi/mrume wangu ruregerero hakurevi kuti ndaderedzerwa zvakanyanyisa but I injection inopa utano Ku marriage yangu.

Ungasvika rini wakachengeta chitunha che marriage mumba uchitadza kuzvinipisa marriage imuke iyo. Dzimwe nharo dzinokoka urombo mumba bcoz Mari chaiyo haiuyi mumba mune confusion. Imwe marriage yakango mirira sorry yako kuti imuke.

Chokwadi here vana kuita nherera nekuda kwenharo dzamai kana baba

Ini hangu ukabata marriage yangu wandibaya pamoyo.

Be blessed.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp