VERENGA: Mhando Dzeurombwa

MHANDO DZEHUROMBWA NEMHIKO DZACHO


1. Kuromba kweDivisi
Uyu mushonga wekurima. Wekuti munhu aite goho rakasimba. Kazhinji midzi yacho inosanganiswa nerurimi rwemunhu kunyanya munhukadzi. Kana munhu ane divisi kazhinji anenge atove nenyoka. Nyoka idzi dzinomudiridzira munda wake husiku and dzinenge dzakawanda chaizvo. Munhu ane divisi chibage chake kana zvirimwa zvake zvinonyatsoita nekusvibira chero mvura isina kunyatsonaya. Mhiko yacho nguva zhinji kunopa makudo chibage mugomo.Makudo akadya mhiko yasimba.
Mike Pasi (Touh Talk Family)

2. Kuromba kweMubobobo
Uyu mushonga unogadzirwa nemafuta enyoka inonzi Nyamubobo. Nyoka inofamba nemumiti and inotyisa chaizvo. Kana ari murume anosungirira chinhu chinenge chijira muchiunu chiri chitete kana kupihwa chinenge chikoko chemachisa chaanofamba chacho muhomwe. Anosarudza kuti kana wakushanda anoda kutepa tsoka pasi here, kuridza zvigunwe here, kuramba akatarisa nemaziso here kana kuenda pamawindow husiku.Kana ari mukadzi anowanzoita zvekurotesa murume waari kuda kuboba. Murume anoita seari kuhope achitoona mukadzi iye akamugarira achivata naye asi zvichitoitika. Vakadzi vakawanda vanowanzoushandisa pahama inove iriyo mhiko yacjo zvakare. Kuvarume, mhiko inowanzowe kurara nevakadzi vari kumwedzi ma strangers, kana vaviri kana vatatu pamwedzi.
VERENGA: Mhando Dzeurombwa
VERENGA: Mhando Dzeurombwa

3. Kuromba kwehupfumi hweShayazino
Uku kuromba kwekuti ari kurombesa anokandira huku kunyanya dzine ruvara rweblacj chibage.Ari kuromba osarudza huku yaanoonongedza. Huku dzotanga kunhonga chibage chiya.Huhwandu hwechibage chanhongwa nehuku ndiwo makore achararama munhu wacho aine mazimari.Saka kana huku ikanhonga zvibage 15, munhu wacho achaitawo mari inoshamisa kwemakore 15. Makore iwayo akapfuura munhu wacho anotofa inove ndiyo mhiko yacho.Normally anofa ne tsaona

4. Kuromba kwehupfumi kweDemba
Uku kuromba kunoshandisa tuhove tudiki setumabakayawo kana tumatemba. Zvosanganiswa nemidzi. Basa racho nderekufamba mutown kana mumashop tuchitora mari yevanhu kubva mumapurse avo, muma wallet kana muhomwe. The number of matemba anenge ari mubag ndiyo number yemari inotorwa musi wacho pazuva. Mhiko yacho kazhinji kuuraya huku pamba everyday achidya chiropa chayo.

5. Kuromba kwehupfumi kweZongororo
Munhu ari kuromba zverudzi urwu anopihwa kazongororo kari kaduku.Kazongororo aka kanofanira kutanga kachinwa mukaka. Kukura kwakanenge kachiita kachiwedzera makumbo ako ndiko kukura kwebusiness. Gumbo rimwe rezongororo racho anotaura kuti anoda kuti rimupe marii pazuva. Anogona kutaura kuti ndoda kuti gumbo rimwe rimiririre USD $10 000. Anoiwana. Saka kana zongororo rave nemakumbo 300 anenge achiwana pazuva 10 000 x 300. Zongororo iri haripere kukura. Asi nekufamba kwenguva rinenge rakuda kunwa blood. Unfortunately vanoromba izvozvi havaudzwe. Kana ukaramba kuripa blood rinenge rakufanira kukuyamwa nhengo kana kukumara pachifuva manheru ega-ega inove mhiko yaunozoudzwa later on. Ndiko kutanga kwekufa kwako ikoko.

6.Kuromba kwetsvina yakajenga

Munhu anoromba zverudzi uru anenge achida kuti mumwe munhu aonekwe semunhu pasina nevanhu vese vangamushandure hupenyu. Munhu anoromba sezvizvi akaita tsvina muchamber haaiflushe.Anongobuda achisiya zvakadaro.Munhu anenge aflusha next anobva abatira mweya wetsvina iwoyo atove nemunyama.Kana pari pasina zvemachamber anoitira padivi pegomba deliberately.Achatsvaira chete ndiye anotora mweya iwoyo. Kazhinji zvinoitwa nehama kuhama.Hauna mhiko.

6. Kuromba kweChiponde
Uku kuromba kwemurume kana mukadzi ari kuda kuti murume wake kana mukadzi wake asabude mumba achirara nevamwe varume. Mushonga uyu unosandisa rwodzi rwemuti unowanikwa pamatombo kana kushandisa mbeu yembwa. Mushonga uyu unoshandiswa nekudeketererwa pa okapi (banga) kana pamusuwo we door kana mumvura yekunwa kana pa underwear. Munhu ari kuushandisirwa kana akavhara okapi yadeketererwa kana kuvhara door radeketererwa kana kupfeka underwear yadeketererwa, akazonorara nemumwe munhu kunze vanonamira kana kuti anozvimba dumbu, kana kubuda majuru kana makwati, kana kuti mabhora emurume anokwira kupinda mudumbu. Mushonga uyu kana wakarara nemumwe munhu pabonde unoshanda nepaguvhu.Unobatira kubva kune akagadzirwa uchienda kune asina through guvhu. And unokochekera kunyanya panobuda hurume or hukadzi. Mhiko yemushonga uyu ndeyeropa. Vacho vanenge vakochekerana vacho nyangwe pakaripwa vanofa mumakore mashomanene depending nekuipa kwawo. Wacho akautora anofawo. That’s how bad this hurombwa is.Unfortunately vanorombesa havataure. Kana kusafiwa navo unoita kuti mumba musagarike or kufiwa nehama.

Kwanhasi tombomirira pano.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp