Varume - Zvichemo Zvemadzimai Mumba

Hello varume makadiiko. Ini namai Sibiya takaita musangano wekudzidzisa waniso. Mushure memusangano uyu takakumbira madzimai kuti vanyore zvichemo zvavo pasina mazita. 


Takatenda Mwari nekuti takazviwana uye vakabvuma kuti tizvishandise kubatsira dzimwe waniso.

By Bishop Pride and Pastor Anna Tendayi Chiweshe Sibiya

Hezvinoi zvichemo zvatati muzive:


1. Varume ngavadzidze kutaura nesu zvakanaka zvisina hasha

2. Tirikuda kuchata please father tibatsireiwo tatambura havadi kuchata varume ava.

3. Dzidzisai rudo mumwe anoita shanje rwacho asingingapi rudo.

4. Sorry taguta nadzo achingotadza after kutadza achingoti sorry tibatsireiwo ipapo.

5. We want to be loved kwete zvepadenga asi chaizvo izvo.

6. Kana ukawonawo basa rakandiwanira ndibatsirewo kana kubika chaiko hatina kuti it’s a must but sometimes we need help.
Varume - Zvichemo Zvemadzimai Mumba
Varume - Zvichemo Zvemadzimai Mumba
7. Learn to appreciate kana ndagonawo.

8. Pedzisai kuroora vabereki vedu vachiri vapenyu.

9. Ngavafarirewo hama dzenyu,kutengerawo vaberki vedu chikafu nekuvapawo mari.

10. Ngavatitengerewo mbatya ,mazirudo hobho ndoatirikuda.

11. Masurprise tinoadawo, mapresents chero sweet zvayo havasati vapona ipapo.

12. Father tinongowadziwa nekuona vamwe vachipana rudo paT.V isu toita kunge shirikadzi . murume achingo kushungurudza chete.

13. Makiss tinongopiwa kana matotaura kuchurch kana kucouples.

14. We need to change property imwe yacho haichaite kana mari iripo.

15. Submission nyastoibataiyi baba nekuti takuona kunge varume vavekuabuser the word and its meaning.
16. Varume ngavatiengerewo hembe tanzwa nedzekudhara.

17. Zvipfeko zvemukati zvatinazvo zvasara zvitambo chete.

18. Tirikudawo kugadzirwa musoro.

19. Tinoda kuitwa chaizvo ngavasatityira.

20. Mazamu haasi evana chete ndeenyu

21. Magadziko ngaabhabhadzirwe.

22. Varume ngavaende kunhamo kwehama dzevakadzi.

23. Ngavati remekedzewo saana amai kwete sevana.

24. Mamoods mumba ngaite mashoma.

25. Shanje ngadziite dzishoma.
Varume - Zvichemo Zvemadzimai Mumba
Varume - Zvichemo Zvemadzimai Mumba
26. Chiramu ngachiitwe chishoma kuva nin’ina vedu please.

27. Tapota baba tanete nekuenzaniswa nanatete nemadzimwene all the time they are better than us seyi wekurudzi rekwenyu vakanaka vekwangu vashata .

28. Magrocery ngaandewo kumba kwedu kana kwaambuya zvako.

29. Varume vedu ngavarege kutitaura nehama dzavo nokuti isu tinovafukidzarawo wani.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp