Numbers 22
Waona here zvinoita Satan? Balak awona kuti hondo iyi ndeyevanombopinda pamweya...uye vanesimba redenga saka akatsvaga Balaam kuti atuke vaIsraeri. Hama yangu satan uyu mungwarire. Tikasachenjera uye tikasagara mumweya tinoshandiswa nenyika kurwisana nesimba raMwari.
![]() |
Kukudzwa Nenyika Uchigumbura Mwari |
Unomboziva here kuti nyika ikaita makuhwa pamusoro penyaya dzechurch hazvidonhedzi vatendi, so nyika inotsvaga wekuchurch anoibatsira pamakuhwa vanhu vopesana zvavo muchurch. Pane vasikana vekuchurch vakazviudza kuti handidanane nearikunyika, saka nyika inototsvaga wekuchurch anomitisa sister vekuchurch.
Chidzidzo chepiri...Balaam pekutanga paanotumirwa vanhu kuzomusheedza akaramba coz Mwari vanga vamurambidza. Balak akatsvagisisa chinhu chingadhonza muporofita kuuya kumba kwake kuzotuka vaIsraeri. (22vs16-17), He promised Balaam rukudzo uye kumupa zvaanoda. Urikuona here kazano kasatan...akatozviudza kuti ndiye muridzi wepfuma uye vatendi tinoda rukudzo stereki. Nyaya yerukudzo yaparadza vazhinji...musafarira kupiwa rukudzo nenyika uchigumbura Jehovah. Zvirinane kushaya rukudzo uchindowana denga pane kuwana rukudzo wonanga gehena.
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.
Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
0 Comments