Kuchengeta Godo Kunge Firiji, Kuita Filling Station Kudaro!

NDANGONZWA KUDA KUTAURA PAMUSORO PECHINHU CHINONZI GODO.

GODO haridikanwi naMwari. Godo chinhu chakaipa fani. Godo rinokupa mweya wekusapemberera agona.

Nekuda kwe godo vamwe vanorovha kumichato yevamwe.

Nekuda kwegodo vamwe vanedzimba dzavasingaende kuminamato nekuti kwakatengwa Motokari itsva,iye asina.

Godo rinoita kuti urambe lift yemutendi, kunzi pindai mu mota tiende kuchechi iwe woti, "its fyn thank you but regai ndimbo exerciser,'' iko kuri kurwadziwa kuti sei iye ariye anofanifa kungotikwidza?
Godo
Godo rinokuita kuti usafarire kurumbidzwa kwemumwe.

Nekuda kwe godo unokokwa Ku graduation party ye mumwe munhu wofeka kurwara.

Godo rinokuita kuti urovhe muchato wawakokwa uchiti dai wanga uriiwe wachata.

Godo rinoita kuti uvengere munhu chipo chake chausina futi iwewe..

Godo rinoita kuti usade kuti waunofarira or waunotamba naye atambe nemumwe munhu.

Godo rinoita kuti usade kuti mumwe munhu angopiwa nemumwe munhu chero zvaangapiwa.

Godo rinoita kuti mumwe munhu atadze kuti makorokoto.Akawana matenga firiji itsva haashaye paanoti " but, hainonoki kufa manje'
Kana iri mota anobva ati "but makadirei inodya fuel"

But but but but.

Nhasi pazuva irori ratirikuti nhasi ukanzwa uchitambudzwa ne Godo.

Ita JEHOVA NDIBATSIREI.

RAKAIPA FANI.

Ndiwo munyengetero wangu zuva ranhasi kuti Mwari bvisai godo mukati mangu nemevana venyu nanokunamatai.
AMEN

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp