Vanhuwe-e Ngwarirai Satani

Kana satan akakusvikirai parufu mukasamuziva iyeye, munobvapo manamatiswa vakafa. Kana satan akakusvikirai pachurch muchinamata mukasamuziva munobvapo mava kuvengana vatendi nevatungamiri.
Apostle Pride Sibiya
Kana akakusvikirai pamuchato chaipo mukasamuziva munobvapo manwa zvinodaka nekudya zvinhu zvinoderedza mweya yenyu nekufara kunonyangadza Jehovha. Kana satan akakusvikira mubhazi ukasamuziva unogona kuvenga munhu arikuda kugara pedyo newe wausingazivi. Kana Satan akakusvikirai pachipatara munotukana zvakusvika pakuramba mapiritsi

Kana Satan akakusvikirai mumba chaimo mukasamuziva baba namai munogona kuvakanganwa kuti ndivo vaitsvakana nekutsime. Kana Satan akakusvikirai paGroup chaipo unogona kuvenga chat inotumirwa neumwe kana kutovengana nemunhu wausina kumboona

Kana Satan akakusvikira kuinbox unogona kubatwa neruchiva nekuda kweprofile picture yemunhu waunenge waona. Satan imbavha yakauya kuba, kuuraya nekuparadza anoshandisa nzira dzakachenjera. Ngwarai mupepuke musvinure mazuva ose mutarire nzira dzose kuti kana achinge auya mumuzive.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp