Marudzi Matatu Eshamwari Dzaunofanira Kuva Nadzo

Muna Zvirevo 12: 26 shoko rinoti, “Akarurama anoperekedza wokwake zvakanaka; Asi nzira yowakaipa inovarashisa.”


Shamwari dzako dzinoumba zviito zvako. Nhanho huru yose yaunotora muhupenyu inogona kusunganidzwa nemunhu anenge apinda muhupenyu hwako panguva iyoyo.

Shamwari dzine husimbe dzino dzosera shure chiono asi dzine shungu dzinoendesa mberi chiono. Zimwe shamwari dzinozadzisa zvauri asi dzimwe dzino tapudza.
Marudzi Matatu Eshamwari Dzaunofanira Kuva Nadzo

Iva neshamwari dzino wedzera zvakanaka muhupenu hwako. Ivawo shamwari inowedzera zvakanaka mehupenyu hwevamwe.

Mukurarama unoda marudzi matatu aya eshamwari:


1. Vakurudziri vehunhu: Vanokubatsira kusarudza nzira dzakanaka. Hunhu hwavo hunotokonyawo hunhu hwako.

2. Vavaki Vechitendero: Vane mashoko nezviito zvino kukurudzira kuti uwedzere kusimukira muzviito zvako. Kutendeka kwavo muna Mwari kuno kubatsira kuti uvimbe kuti zvose zvino zvino goneka.

3. Vasimudziri vezvi shuviro: Vanoshanda newe kuti zvishuviro zvako zvibudirire zvibatike. Vanotenda mauri uye mumabasa awakatongerwa kuti uchabata pano pasi.

Une shamwari dzakadii muhupenyu hwako? Iwe uri shamwari yaka diniwo? Mangwanani akanaka.
Gamuchira Jesu Kristu nhasi uende kuKererke kunoshumira mumweya nemuchokwadi nevamwe.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp