Scripture :Genesis 39 vs 21
![]() |
Mufaro, Happy |
Yes, hauna mwana makore atowanda hama dzava kukusheedza mazita hobho hobho vamwe vachiti makanyanya kutambisa chibereko muchihura maumhandara but Jehovha vari mazviri. Wakambotambura here kusvika pakupererwa nemunamato apa vanhu vachiti zvino muchirikuenderei kuchurch but Jehovha vari mazviri. Vana kupera one one kusvika, vanhu kusvika pavanoti ngomwa haina wayakachema but Jehovha vari mazviri. Uchishingaira pakunamata basa kupera usina mhosva yawapara, kuzama zvose zvoramba, vanhu vachiseka kuti kana muchinamata sei Mwari arikukusemai but Jehovha vari mazviri. Vasinganamati vachiroorwa nevanhu vane mari iwe asina mari wacho achishaikwa but Jehovha vari mazviri.
Mwari uyu ndiMwari anoshamisa, ane mashandiro ake asiri avanhu. Kupinda zvako nemutirongo but Joseph aibikwa kuti afanire ropafadzo huru. Zvimwe zvirikukutambudza nhasi Mwari varikuti chimboona hako the other side of life ndichigeza pachagara ropafadzo usazokanganwa vanotambura mangwana. Tenda Mwari mukuwana nemukushaiwa Jehovha vari mazviri INZWAI KUVERENGWA KWESHOKO RAMWARI NEKUTI IDZVENE
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.
Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.