Ndakunamatira mangwanani ano. Mwari umwe neumwe ari kuverenga tsamba iyi ngirozi yenyu ngaimire naye.
Tsvaka nzvimbo isina njodzi nemunhu wokunamata naye, wotevedzera munamato uyu kubva pakadzika dzika pemoyo wako. Mweya mutsvene anewe. Tanga nokureurura zvivi zvako zvose
"Ini ... (Zita nesurname), ndomira munzvimbo dzokumusoro kudenga uko ndinobva, ndomira mutsoka nesimba raJesu Kirisitu. Ndiri mugari woUmambo hwaMwari zvakare muviri wangu itemberi yamweya mutsvene.
![]() |
Apostle Pride Sibiya Praying |
Iwe murume kana Mukadzi wepamweya hauna nzvimbo mukati mehupenyu hwangu nhasi, hauchina nzvimbo muhupenyu hwangu, ikozvino ndinodzima runyoro rwose rwaikupa simba muhupenyu hwangu neropa raJesu. Ndinokuraira ikozvino, buda muhupenyu hwangu.
Buda! Buda! Buda mandiri!
Buda muhupenyu hwangu muzita raJesu! Buda!
Ndinopisa sungano yose pakati pangu newe nemoto. Ndinoregedzera moto wamweya mutsvene pauri ndichiti:
Hauchafe wakandishungurudza zvekare.
Hauchafe wakavharira kuwanikwa kwangu nomurume kana Mukadzi akakodzera.
Hauchandibate chibharo zvekare
Hauchina Simba mukati moupenyu hwangu newanano yangu
Ndotaura tsamba idzva muhukama, mabasa newanano yangu muzita raJesu!!
Amen, Amen, Amen!
Nyasha dzaIshe wedu Jesu kirisitu, rudo rwaMwari Baba nokuwadzana kwaMweya Mutsvene kuvenewe kubva nhasi, Amen!
Kana zvichibvira ndizivise zvawanzwa kana zvaitika pawanamata munamato uyu. Unogona zvakare kudzokorora kunamata seizvi pawadiri uchiwedzerawo nezvinokutambudza misi nenguva.
Makasununguka kubatirana nesu kuProphetic and Deliverance Victory Night Prayer Service ichange ichitungamirirwa naApostle P Sibiya munzvimbodzakasiyana-siyana.
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.
Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Instagram, Instaclips and all social media.