Hosepipe Yabhenda: VERENGA.

Kuno vanodiridzira nzimbe. Ndaona murume anga achidiridza nehorse pipe yakareba chaizvo. Pese panga pachimira mvura kubuda murume uya atanga kutevedza pipe achitsvaka pabender pipe.

Ndamubvunza kuti sei uchimhanyira kuti ipipe yabender, ko sei musina kufunga kuti mvura yapera kwainobva? Murume uyy andiudza kuti mvura yokuno haiperi uye kubva achiberekwa haina kumbopera. Murume uyu anoziva kuti muna Save mvura haiperi chingatotadzisa kuti mvura isabuda ipipe yabender chete.
ITS JUST A BEND PIPE
Irrigation
Supply yaJehovah haiperi. Rugare kuna Jehovha haruperi. Mari kuna Mwari haiperi. Mufaro muna Jehovha haruperi. Michato kuvana vaMwari haiperi. Pfuma kunaMwari haiperi.

Rega ndikuudze kuti kana pane charegera kuuya muhupenyu hwako haisi nyaya yekuti kuna Mwari hakuchina. Ukaona washaya zvaunoshuva tevedza pipe ugadzirise pakabenda. Tevedza pipe utarise pavhara kuti muchato usauya. Tevedza pipe utsvake pabenda mufaro utange kuuya.

Usamhanyira kutuka Mwari. Usamanyira kushora kereke. Usamhanyira kushora vafundisi vekereke yako, tevedza pipe utsvake pabenda pipe.
It's not the end of the road but it's just a bend.

Mwari ngaakuropafadze uye ivai ne week rakanaka. Ropafadzwa zuva ranhasi kwese kwamuri.

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp