2. Mukadzi wehumhare anoshamisa vazhinji. Chinhu chakanaka kuita zvinhu muruvande. Usava munhu anoudza vanhu zvinhu zvisati zvaitika zvinobvisa kunakidza kwazvo. Zvikazotadza kuitika unonyarirepi! Iva Mukadzi anozvidzora
3. Mukadzi wehumhare anonetsa kuziva mafambiro ake. Vanhu vanofanira kuziva kuti unogona kuti hongu kana kwete. Mafambiro ako haafanire kuzivikanwa nemunhu wese wese. Iva Mukadzi anehudzamu!
Woman Of Valour |
5. Mukadzi wehumhare haangotauri tauri pese pese. Ungagona sei kutaura kuzhinji nekuita basa panguva imwe chete. Kutaura kusina basa kunokonzera makuhwa! Mukadzi anemakuhwa Mukadzi akafumuka. Taura zvishoma!
6. Mukadzi wehumhare anozvipa nguva. Haukwanise kuzvinzwisisa kana ukasazviwanira nguva yako wega. Zvipe nguva yako wega yaunoongorora paunotadza wozvigadzirisa. Iva nenguva yekuzvigadzirisa!
7. Mukadzi wehumhare anowadzana naMwari. Haungave neruzivo rwakadzama kana usingawadzane neMupi wezivo. Vakadzi vashoma kwazvo vanowanikwa patsoka dzaJesu.
Hanzvadzi yangu, gamuchira Jesu ugamuchire mhodzi yohukuru. Oendawozve kukereke ndinoona Mukadzi wehumhare pauri neZita raJesu. Amen.
Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship.
Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.