DELIVERANCE CLASS: Operation Satan Tasa: Mweya YeGungwa Ndisiye Nhasi!

Types of spiritual husbands and source
1. Munhu akaromba
2.Munhu ari kuripa ngozi
3.Munhu ane mubobobo ( sexual Bluetooth )
4. Kuenda kunzvimbo dzemvura wonzi uri kugezwa munyama ( hausi kugezwa asi kurooreswa ne gungwa )
5. Kukandiswa zvinhu kumvura, rice, machira mapikicha.
6. Kupihwa zita remunhu anobata-bata.
7. Kuona ma firimu ezvinyadzi anodaidza mweya wagungwa.

Spiritual Husband imhepo inoita kuti urote bonde ne munhu wausingaone chiso chake ku hope. Mweya uyu Unokonzeresa kubroka broka, kusema, kusemwa,kunongedzerwa, jambwa, munyama kupomerwa nyaya yausina kupara. Zvikurusa unokonzera Divorce kana kudzinga murume kana mukadzi mumba wosara waa wega. Mweya uyu unonzi mweya wanjuzu zvekare. Vanawo vanorota zvinowanzo itika . Vazhinji vanhu vanotorwa ne njuzu kumvura vanozobuda vaan'anga. Vakadzi vanakunaku vanomhanyirirwane mweya uyu. Une mazita akati wandei, Leviathan, Marine Spirit, Mweya wenjuzu, Mweya wekumvura .(headquarters ya Satan kumvura kwete ku makuva).
Sangoma
Mweya uyu unorwisana neDeliverance .Hauwanikwe ku kereke isina moto unototambarara zvawo kutowaridza bonde. Haudi moto. Uno attacker deliverance Ministers through sexual seductions . Zvakakosha munhu wa Mwari kuva nemukadzi uye kufamba naye pese pese.
Mweya iwowu unodzivisa Deliverance
Mweya uyu we kumvura unokuita kuti useme murume kana mukadzi, unoita kuti urambwe .90% of divorces dzinokonzerwa nemweya uyu. Vanawo vanoda utsanana zvakanyanya kupfurikidzisa (dona) vazhinji vanototsamwa ukapinda ne bhutsu mumba. Vanosema sadza rarasikira
muma side epoto. Vane mweya uyu vanoda kuzvimiririra ( they want to be independent) havadi kunyengerera . Vane mweya uyu vamwe vacho havatodi kusangana ne akamuroora. Anomusema kana kumerera kuita ma goose pimples chaiwo.
In extreme cases anawo inomuitisa pfambi kana lesbian kana gay (ngochani)
Vanawo vamwe vacho vanoda jewellery kana makandira zvakanyanya kupfuriikidzisa ( too much love of jewellery)
Vamwe ndivo vanozvigutsa nyangwe murume kana mukadzi ainaye( masturbation)
Vane mweya uyu masmall issue inoitwa hombe.
Unokonzeresa munhu kuti aite pfambi . Mweya uyu wekumvura is a stubborn spirit haunde nyore une nharo . Pakaita munhu asina kusimba unoramba kuenda. Kugungwa kune nyaya .
Masimba evenguwo ndiko kwaanobva. N'a nga hadzipise makona kana dzafa zvinokandwa kumvura. Nyika ye India (Indian Ocean) ndiko kwavanotambira. Hakusi ku India chete pese pane gungwa kana rwizi .
Iwe haugogare uchinetsane ne mukadzi kana murume here pasina nyaya yakatsarukana? Unorambwa seyi? Hauna here mweya uyu ? Chimbozviongorora zvehupenyu hwako?
The Marine spirit causes
Miscarriages
Stillbirths
Prostituition
Barreness
Gives spiritual children to women ( unorota uchiyamwisa ,wakabereka mwana , mazamu anobuda mukaka iwe usina mwana wacho, mamwe acho anovava ega.
Kusanyengerera

Spiritual nyoka, imbwa, mupurwa zvinoenderana me mweya uyu . Kurota uri kumvura . Vamwe vane ma sea shells mu display , vamwe vanonotora mvura yacho ku Moza, Cape neku Durban vachiti inorapa ivo vachisimbisa .Vamwe vakatengeswa machira ewhite ne blue , vamwe egold anenge e deco re mumachechi vakasimbisa mweya uyu . Kana uine dambudziko iri unoda deliverance .
The Marine Kingdom is dangerous. Pakadonhedzwa satani nekuzvikudza akadonha ne one third of angels . Zhinji dzakawira kumvura. Two thirds of the world I mvura yega yega . Satani wakaisa muzinda wake kumvura . Jesu adzinga ma dhimoni pana Legion akakumbira kuenda munguruve . Nguruve dzikamhanyira kumvura kwadzakanofira , mweya wacho wakasaramo.
Ma fallen angels kuna Genesis 5 akanorara ne vasikana venguva ya Noah kwakuita hybrid yainzi ma Nefirimu . Rudzi urwu rwaisateerera . Vainwa ,kudhakwa ne chipfambi . Vakaramba kuvaka Areka . Vakafa nemvura mweya yavo ikasara mumvura . Ma dhimoni haagare pa chinhu chakafa anotsvaga pachinhu chipenyu chekugara pa mhuka kana pamunhu kwete pachitunha .Saka ndiri kuti kumvura kune nyaya.

It's documented that the Marine Kingdom controls trade and commerce . Manufacturing takes place in this Kingdom . Counterfeit clothes are produced and unsuspecting people are initiated into this Kingdom. It has hierarchies ( ma stages enyembe) pasi pemvura .
Your prayer must be targeted . Bombard the marine kingdom, heavenlies (muchadenga ) and Earthlies (pasi ) kumakuva, muninga , mumakomo. A lot of accidents anoiitikira mu ma bridge Mweya weku mvura unoda ropa uye uri violent . Mhepo dzimwe dzinosumuka kubva mugungwa, zvikepe zvinonyura, plane crushes vanhu vopararira kumvura. Mheni ne ma disasters ekumvura akawanda . We are aware of the devil and his devices. Vamwe guvhu vanorasa kumvura .Vamwe vanotora Gakanje kumvura voisa hupfu mu dish rine mumvura vachinwisa mwana mucheche dziri mhiko dzekumvura . Vamwe vakaendeswa pamapopoma vachinzi tiri kugeza munyama. Manje satani taakuziva moto kumvura: 2 Corinthians 2 v 11.

“Can you pull in Leviathan with a fishhook or tie down its tongue with a rope? Can you put a cord through its nose its jaw with a hook?" (Job 41:1-2). hapana chimwe chaungashandise! Namata neni ikozvino, mweya iyi ikusiye, muzita raJesu!
Solutions
Mwari vanesimba over Marine Kingdom vakashandura mvura yese ye Egypt kuita ropa I dominance iyoyo.
Jesu munana wake wekutanga akachinja mvura ikaita wine - that's dominance
Jesu wakafamba pamusoro pe mvura-that's dominance
Jesu akanyararidza gungwa raida kudzivisa deliverance ya Legion akati peace be still - that's dominance. Hakuna mweya inokunda Jesu. Every marine spirit is our under our feet takapihwa simba over it. So there is light at the end of the tunnel. Na Jesu zvinoita na Jesu tinoenda kure.

PLEASE SHARE!

Be In Church!

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp