18+: Marrieds Men Only: Fugu Ndee, Haaa Kwete!

Apostle regai tibatsire varume panyaya yebonde pano! Varume huyai pano, paita nyaya. Hanzi mudzimba umu inongova fugu ndee! Madzimai vachemachema kuti gutso mumba hamuna.
Shuwa tiri kutadza kubatawo mazamu, hanzi kana zamu rabatwa ungati munhu arikusvina mota. Vamwe hanzi tiri kuita kunge tiri kutuner radio kutsvaga signal paradio yembiri yaRhodes. Pamwe pacho hanzi kubva nyesvu ichitanga kusvika iperi  varume hatisi kubata chero  mutezo upi  wemukadzi, hanzi dzimwe nguva varume tinenge takabatirira pabed  tichingofinyamisa  kumeso, kufirira pasina.

Varume pamwe tirikubva tanyesvura kwataswera zvekuti mumba hanzi tirikusviko bairira museve pasina romance. Hanzi vakadzi vanomboedzawo kubata rwuoko rwako kuti ubatewo panoita kuti mukadzi anzwe kudawo asi isu tinenge tatove kudikitira tichitorumirira mazino. Pasina nguva isu zvedu zvaita tobva tatorara kutoridza ngonono, nekuti waswera uchiona porn wabva kwawabva waka charger kare.  Mukadzi wako anodawo kubatwa zvakanaka paromance kuti awane gutso.
Sexual disagreements
Kupidigura kana kushandura shandura mukadzi kunge munhu arikugocha nyama hakusi kugona bonde. Vazhinji varume tinozvipa nyembe dzatisina. Kugona bonde kureva kuti unoita zvinopa manyuku nyuku mu mukadzi wako sekuti: Kumuitira surprise.. Mwedzi woga woga itirawo mukadzi ka surprise. Tengawo phone, watch, hembe, toiletries e.t.c. Ronga kumboenda out munosasana for weekend nemukadzi wako.

Iva murume anofarira kugeza nekukwesha mazino uye kutsvagawo perfume inonhuwirira zvekuti mukadzi wako akanzwa perfume iyi anobva atomera zemo. Itawo tunyaya nyaya tunotekenyedza nemukadzi wako. Taurawo tuma joke twunomutyora mbabvu. Kugona kusetsa mukadzi wako kureva kuti pabonde munonakirana. Varume tikaita shumba mudzimba vakadzi vanobva vasungikana muhana, chero  pabonde vanenge vakasungikana. Iva murume anoziva kuti vakadzi vakasikwa vachifadzwa ne shopping. Iwe chishanda uchisungirira mari yauno surprise r madam woti, ' endai munotenga zvamunoda.'

Bonde rinoda communication. Hazvisi  nyore kuti mukadzi ukubudire pachena zvino mugutsa, saka zvimwe itawo discovery, uchibata bata muviri wemukadzi  wako. Dzimwe nguva vakadzi vanongoda kumbundirwa, kana kungopihwa massage, kana kugona kuteerera zvaari kutaura, kana kungovepo panguva yaanenge akakutarisira, kana kungomupawo macompliments.

Fugu ndee yanyanya varume,pasi nayo  ngatipagadzirise. Take a lot of time in fore-play until mudzimai ati chiuya ega!

Bonde chipo chakabva kunaMwari, hazvibatsirezve kugona bonde panyika wozonoraswa kudenga. Chigashira Ishe Jesu naMambo this weekend iwe nemhuri kumba kwaMwari kunomunamata nekunzwa Shoko pamwepo!

Ramba uchiteera Apostle Pride Sibiya paFacebook, YouTube, Whatsapp, Periscope, Telegram, Instagram, Instaclips, Google+ nesocial media yose.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp