Shuwa tiri kutadza kubatawo mazamu, hanzi kana zamu rabatwa ungati munhu arikusvina mota. Vamwe hanzi tiri kuita kunge tiri kutuner radio kutsvaga signal paradio yembiri yaRhodes. Pamwe pacho hanzi kubva nyesvu ichitanga kusvika iperi varume hatisi kubata chero mutezo upi wemukadzi, hanzi dzimwe nguva varume tinenge takabatirira pabed tichingofinyamisa kumeso, kufirira pasina.
Varume pamwe tirikubva tanyesvura kwataswera zvekuti mumba hanzi tirikusviko bairira museve pasina romance. Hanzi vakadzi vanomboedzawo kubata rwuoko rwako kuti ubatewo panoita kuti mukadzi anzwe kudawo asi isu tinenge tatove kudikitira tichitorumirira mazino. Pasina nguva isu zvedu zvaita tobva tatorara kutoridza ngonono, nekuti waswera uchiona porn wabva kwawabva waka charger kare. Mukadzi wako anodawo kubatwa zvakanaka paromance kuti awane gutso.
![]() |
Sexual disagreements |
Iva murume anofarira kugeza nekukwesha mazino uye kutsvagawo perfume inonhuwirira zvekuti mukadzi wako akanzwa perfume iyi anobva atomera zemo. Itawo tunyaya nyaya tunotekenyedza nemukadzi wako. Taurawo tuma joke twunomutyora mbabvu. Kugona kusetsa mukadzi wako kureva kuti pabonde munonakirana. Varume tikaita shumba mudzimba vakadzi vanobva vasungikana muhana, chero pabonde vanenge vakasungikana. Iva murume anoziva kuti vakadzi vakasikwa vachifadzwa ne shopping. Iwe chishanda uchisungirira mari yauno surprise r madam woti, ' endai munotenga zvamunoda.'
Bonde rinoda communication. Hazvisi nyore kuti mukadzi ukubudire pachena zvino mugutsa, saka zvimwe itawo discovery, uchibata bata muviri wemukadzi wako. Dzimwe nguva vakadzi vanongoda kumbundirwa, kana kungopihwa massage, kana kugona kuteerera zvaari kutaura, kana kungovepo panguva yaanenge akakutarisira, kana kungomupawo macompliments.
Fugu ndee yanyanya varume,pasi nayo ngatipagadzirise. Take a lot of time in fore-play until mudzimai ati chiuya ega!
Bonde chipo chakabva kunaMwari, hazvibatsirezve kugona bonde panyika wozonoraswa kudenga. Chigashira Ishe Jesu naMambo this weekend iwe nemhuri kumba kwaMwari kunomunamata nekunzwa Shoko pamwepo!
Ramba uchiteera Apostle Pride Sibiya paFacebook, YouTube, Whatsapp, Periscope, Telegram, Instagram, Instaclips, Google+ nesocial media yose.
0 Comments