MUST READ: Kusvipirwa Zvinomboreveiko?: Haupisi Kana Kutonhora

"Nyorera mutumwa wekereke iri paRodhikiya uti: Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chazvokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari. 

Ndinoziva mabasa ako kuti hautonhori kana kupisa dai uchitonhora kana kupisa. Zvino zvausingatonhore kana kupisa ndichakusvipa mumukanwa mangu." Zvakazarurwa 3:14
Sadza
Nyaya yekusvipa iyi yakaoma. Rimwe gore munhu wandakabatsira chaiye ndakasangana naye ndokubva atarisa divi akasvipa achidetemba kushata kwangu. Kusvipa kunoratidza kusemeswa nemunhu kana chinhu. chinhu chakaora ndochinonyanya kusemesa kusvipa pakusvipa.

Mukadzi akasvipirwa chikafu chaabika nemurume, pachivanhu, zvinoshura. Hapana kushorwa kunopfuura ipapo.
Mararamiro ako haasi akaora here anosemesa Mwari here zvekuti achati ndinokusvipa mumukanwa mangu? Wadii wauya kunaJesu nhasi? Wachinja mararamiro ako pano?

Kana kusvipirwa chikafu nemurume kuchishura saka kusvipirwa naMwari zvinoreveiko?

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp