MUST READ: Uri Sadza Kana Mbodza?: Haupisi Kana Kutonhora

"Nyorera mutumwa wekereke iri paRodhikiya uti: Zvanzi naAmeni, chapupu chakatendeka, chazvokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari. 

Ndinoziva mabasa ako kuti hautonhori kana kupisa dai uchitonhora kana kupisa. Zvino zvausingatonhore kana kupisa ndichakusvipa mumukanwa mangu." Zvakazarurwa 3:14

Mumwe murume akasvika kumba madeko aine nzara ndokupihwa sadza navadzimai vake. Akangoti timbei musuwa ndokusvipa otogeza maoko. Mudzimai akakatyamadzwa ndokubvunza kuti mashura api aya. Murume akapindura kuti aisakwanisa kudya mbodza.
Sadza
Mbodza chisadza chakatonhora uye chakangoneta. Hachinakidze kudya kana. Pane vamwe vanhu pano vane maramiro akaita mbodza. Haupise kana kutonhora, kuChurch unoenda asi kunyika urishasha ... haupise kana kutonhora.

Ko zvaunonamata doro nefodya ndezvei
Zvauri mutendi ko varume vevanhu watii?
Zvauri mutungamiriri ko sei hutsinye
Zvaunechigaro kusvondo sei kusataudzana nevavakidzani
Uri pakati nepakati pakunamata kuti titi
Uri Gonzo kana Shiri, hameno iwe chiremwa-remwa
Kuti titi uriHove kana Nyoka hameno iwe Hunga
Kuti titi uri Mutodo kana Chikabudura hameno iwe Chikabanga

Wadii kuuya kunaJesu nemoyo wako wese nhasi usati wasvipwa nedenga?

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, Twitter, Instagram, YouTube, Google+, Whatsapp and all social media.

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp