MADZIMAI: China Chemadzimai Nhasi!

Marriage haasi mahumbwe. Wapinda mairi unosangana nezvakawanda, rimwe zuva misodzi, rimwe zuva zvinotapira. Hakuna kwaunowana a perfect husband, iwe pachako, you are not perfect.


Vamwe vanotobva kumisha yavo vachiti munhu anonzi vamwene akaipa. Nhai akamboti munhu kana ava nevaroora anobva atanga kuroya ndiyani? Nesuwo tichaita vana vamwene rimwe zuva, ngatibatei miromo yedu.

Vamwene ndimai vako, vanoda kudiwa, kuchengetwa, kuteererwa zvaunongoita mai vakakuzvara. Hapana murume anogara nemunhu asingadi mai vake. Zvinhu zvakaoma nguva ino yatakurarama, asi vanotoda kuiswa pabudget. Kutenda kwavo kunounza makomborero.

1. Hasha - Hapana imba inomira nemukadzi ane hasha, kungopopota pose pose. Kugara muromo uri mumhino. Murume kungokanganisa kanhu kadiki diki, anopengerwa zvinotyisa. Aiwa hapana murume anoda kugara mujeri, anobuda zvake.


Women's Meeting
2. Mamoods - Nhasi makafara, mangwana mune face yeshumba. Chamaitwa chaicho hapana. Mamoods rinenge demon rinotoda munamato.

3. Imba Isina Mwari - Marriage inonamatirwa ladies. Zvakanaka, zvakaipa, munhukadzi namata.

4. Masahwira - Chenjera shamwari. Maadvice from many friends ngaaite mashoma.

Ivawo munhu wekuti musi wazvanetsa unowana vanoreverera. Murume wese ane hama yake yekuti ikataura anototeerera chete, hama idzodzo ngatidziswededze pedyo, rimwe zuva unoida. Muromo wekuti ndakavinga murume wangu chete, ndewemunhu asingazivi zvaanoita. Ngativei varoora vakabva kuvanhu, vane hunhu, vanotya Mwari, vanodzora miromo yavo, vanoyananisa, kwete kuputsa musha wevanhu.
Vakadzi vakaita semirivo (vegetables). Zvibvunźe ipapo kuti uri muriwo upi:

Muriwo weRape - Mukadzi anoita 2 minutes wada zvaMwari, 2 minutes wava munyika

Muriwo wecabbage - Kugara uri kwindi usingasekerere vanhu even murume wako chaiye

Muriwo wetsunga - Kuva mukadzi anotaura zvinovava, rough yega yega hapana musi waunogona kutaura zvakanaka

Muriwo weCovo - Mukadzi anoita zvakanaka nģuva dzosemunhu wese ano muadmire. Munhu wese anoenda kwaari vachida kurayirwa nekupiwà maGOOD Advice. Vana mai muri muno muGroup muri muriwo rudzii as compared nemabasa amuita kwamunogara nevamwe.

Teverai Apostle Pride Sibiya paFacebook, YouTube, Twitter, Periscope, Whatsapp, Messenger, Instagram, Instaclips, Google+, nepese panosangana vanhu paInternet.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp