VERENGA: Ibvaka PaNyoka Iyo

Kana shiri inonzi gwenhure ikaona nyoka,inoita ruzha UYE HAINYARARE.Mamwe magwenhure anobva auya obatsirana nayo kuita ruzha.Ipapo dzimwe shiri, tupuka kana mhuka zvinobva zvaziva kuti paita ngozi. 


Chero pataimboenda kumusha, muri kumombe waitoziva kana ukaona magwenhure achibhururuka panzvimbo imwe chete achiita ruzha kuti paita nyoka,mukaendapo maitoiwona mouraya.

Kana nyoka inove satani yapinda munababa mumba munoita ruzha,ikapinda mai panoita ruzha,ikapinda mumwana kana vana panoita ruzha.
Ibvaka PaNyoka Iyo
Apa ndirikureva kuti hazvigoni kuti vanhu vanyarare ipo pauya chinouraya. Mai vanoona kuti baba ava mheno zvavakuita, kana baba vanoona kuti mai ava mheno zvavakuita, kana vabereki vaoona kuti mwana uyu mheno zvaakuita VOITA RUZHA. Hazvigone kuti vanhu vanyarare ivo vachiona nyoka. Baba musati kumba hakusi kuita mai varikutaurisa,varikuona nyoka,vana musati vabereki varikutaurisa varikuona nyoka.

NYOKA INOURAYA: Chero muchurch mufundisi kana vamwe vaparidzi vanogona kuita kunge vagarwa vachiti vakangomira votsiura humbavha,makuhwa kana hupombwe, ndidzo mhando dzenyoka dzinenge dzapinda.

HAUSI KUNETSWA RASA KANA URAYA NYOKA! Hakuna mhunu anepfungwa dzakakwana anonyarara odzikama ipo paine nyoka nekuti icharuma. Hanzi nyararai,dzikamai,ipo paine nyoka? Vane mweya yafa nechivi ndivo vanodzikama nekushamwaridazana nenyoka,vanemweya waMwari vanoita ruzha!

TENDEUKA!

By Apostle Samuel Manyika
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp