Dzikama, Siya Mutyairi Apedze Nyaya!

Inzwa kanyaya karipano nhasi. Kana uchida kutama kubva muHarare uchienda Kadoma usina mota yekutakurisa zvinhu zvako unoenda wondotsvaga mota yekuHire. 

Muridzi wemota akati anoda $150, iwe kana wangobhadhara mari yacho zvako zvapera, kunyange mukasangana nemapurisa munzira vanopedzerana nadriver coz ndiye muridzi wemota yacho hazvina effect kwauri.
Bus Driver
ZVINO isu pane kwatiri kuenda Jesu ndiye muridzi wemota (hupenyu) kana tikasangana nemapurisa (Satan) munzira chedu kungo dzikisa window(munamato ) chete toti taurai naDriver (Jesu). Saka nhai iwe muverengi ungada kuita bishi bishi kupopotedzana nemapurisa kuti mota ndeyako here.
Hupenyu ndehwa Mwari Jesu anoti ndini kumuka nehupenyu. Satan ari pasi petsoka dzake. Ngatizivei Mwari wedu tivimbe naye. Ukasangana nedambudziko hasha ndedzei, udza Jesu mhani iwe ndiyeka muridzi wehupenyu. Ita AMEN kana wandibata zvakanaka ipapa!

Follow Apostle Pride Sibiya on Facebook, YouTube, Twitter, Whatsapp, Web, Instagram and all social media.

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp