Dzidziso Kune Vanodanana: Huyai Munzwe

1. Dzidzai kuregererana kana umwe atadza akakumbira kuregererwa

2. Sorry ngaibve pasi pemoyo wako uyezve ive yechokwadi kwete kungoitira kuti zvipfuure

3. Ngwarirai maWhatsApp aparadza rudo rwevakawanda

4. Kufungirana ngakuve kushoma,usaterera makuhwa. Muvanhu kune vanegodo neshanje

5. Dzimai mafoni kana muri pamwechete kuitira kusakanganiswa kutandadzana nekufadzana
Rudo/ Love
6. Pananai nguva yekukurukura zviri maringe neRudo rwenyu uye ramangwana renyu, zvemafoni tsvetai kurutivi makadzima kana kuisa pasilent mode

7. Kana muchifamba mose tauraiwo nyaya kwete kungoti mwiii muri pamaWhatsApp uyu yake uyu yake,unenge uchitaura naani iye mudiwa wako aripadyo?

8. Dzidzai kugara makagumhana nguva dzose makasununguka, kwete uyu pake,uyu pake

9. Dzidzai kudaidzana nemazita seekuti Honey, Sweetie, Mummy, Daddy, Lovie, kwete iwe, imi, iwe ani? imi ani?

10. Garai makaudzana ma "I love you"Nana "I miss you kanodarika kashanu pazuva roga,roga!

11. Ukanziwo Honie, itiwo Sweetie, kwete hweee!!!kana haroooo!!!! Zvodzikisira rudo rweumwe wako kuti asi ndaita munhu asiriye here ?

12. Ukanzi I love you kana I miss you, zvinonzi I love you too kana I miss you too, kwete ehwo, kana ndotenda, ipawo umwe wako manyukunyuku murudo

13. Vimbanai, dananai, tauriranai chokwadi nguva dzose!

ANE DZEKUNZWA ANZWA, NDIKUNZWEI FUTI MUCHITI HATINA KURAIRWA .

Hokoyo !!!!!!

Follow Aostle Pride Sibiya on Facebook, Whatsapp, Google Plus, Instagram, YouTube and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp