VERENGAWO: Mwana Wekuwira Musuweji.

Mumwe mwana akawira musewage vanhu vakaungana paaaive awira vachingoti uyo uyo apo apo kuti vapinde vamunyurure vakasema sewage, 

zvino mai vemwana vaishanda mubank pavakanzwa kuti mwana wavo awira musewage vakasiya kuserver macustomer ipapo ndokumhanyira kwaive kwawira mwana havana vawakataura naye havana kuwana nguva yekubvunza kuti zvafamba sei vakangojambira musewage ndokunyurura mwana wavo achiri mupenyu.
Mwana
Lasts and lasts like a mother's love vadikani ndozvakaita rudo rwaMwari kwatiri.

His love is unconditional panguva yekutambudzika vanhu vanokusiya hakuna anoda kukunyurura chavanogona kukunongedzera nekukupa mazita nekukuseka kuti uyo uyo vamwe vanokunzwira tsitsi asi kuti vakubetsere havadi vanosema dambudziko rako vanosema chirwere chako, asi rudo rwaMwari rukuru vanotinyurura mumadhaka nekutisimudza havatisiye tichiparara Jesu wakasarudza kusiya chigaro chake chakanaka ndokuuya panyika kuti ave munhu kuvanhu haana kuve too smart pazvitadzo zvako asi wakapfekedzwa hanzu yeminzwa kuti iwe urarame.
Semafashamu runoyerera rudo rwaJesu muhupenyu hwedu. Ko unorambirei Jesu? Chimutora nhasi saIshe naMambo hweupenyu hwako woenda kukereke.

Amen ... uve nezuva rakanaka munhu waShe...!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp