VERENGA: Kupotsa Zvinangwa Kwazvo Zvekuendera Kukereke

There are some people who just go to church but if you ask them why they do go to church they will tell you some of the following reasons:


1. Kuwana church inozomuviga. Kune vanoenda kuchurch kuti kana vazofa parufu pavo pazova nevanhu vakawanda meaning kuti vanototsvaga church ine vanhu vakawanda munharaunda kana kuti inonyatsoviga mushe. Uuuuuum shamwari kana uri kuchurch for that reason wakasara.

2. Kuwana kwekutandarira. Ukabvunza umwe kuti aaaah wava kuenda kuchurch unonzwa achiti maweekends pamba unozoshaya kuti wodii iwe usingachanwe doro saka zvirinane kungoendawo kuchurch. Endai kundonamata mumweya nemuzvokwadi, kana uchiendera kundotandara wakasara.

3. Ndiyo church yandakakura ndichipinda. Hazvina kuipa kukura uchienda kuchurch but ziva chauri kuendera kuchurch kwete kuti kana wabvunzwa kwanzi isu hatitombobudi coz ndimo matakakurira. Vanhu vakadaro nyangwe vakanzi paridzai ndidzo nyaya dzavo heeeeeeh vamwe vakabuda isu takasara hatina kwatinoenda. Heya makasara? Mukadii masara?

4. Praise & worship team yacho inogona. Tanzwa nevanhu vane tumwe tuma facets twemuchurch twavanogarira nokuti twakapenga. Kwanzi shamwari deco inorohwa ikoko yakapenga. Yohwee this & that. Vamwe vachinamata iwe uri busy kuendera deco kuchurch. Wakasara.

5. Mhuri yedu yose ndokwainoenda. Pane dzimwe shasha dzinofarira gudza mudungwe. Haanyatsoziva zvakanyanyokoshera kuenda kuchurch, anongotarisa kuri kuendwa nevari close kwaari otoendawo. Kwaenda landlord nayewo. Kwaenda vazhinji kubasa nayewo. Iwe, its a wrong reason yekuendera kuchurch.
Kupotsa Zvinangwa Kwazvo Zvekuendera Kukereke
6. Ndiyo church iri pedyo nepatinogara. Vamwe vanonyanyoda church iripedyo nepavanogara. Kuti uti usimbe hwekufamba kana kuti hameno. Kana kukaita musangano unoendwa kure havaendi, vanongoda zviri pedyo & kazhinji vanotozotaimira kana vanhu vavapo havagoni kutanga kusvika ivo.

7. Kune vasikana vakanaka/ vakomana vane cash. Vamwe vanoendera kuchurch kundotsvaga misha chete. This is a contract hantie. Ko kana waroora kana kuti waroorwa zvozodii? Mobuda henyuka. & most of this people vanyengedzi vakuru. Mabasa enyika havasiyi, kungoendawo kuchurch kundotsvaga zviwanikwa.
8. Kunonakidza Muchiri kuenda kuchurch kundonakirwa. Vamwe vachiropafadzwa imi muchinakirwa. Ko kana mukawana zvinodarika ipapo modii manje? Vamwe vachivaka ukama naMWARI imi muchirova zvenyu joy.

Vazhinji vakadai pakangonzi pava kuparidzwa, kunamata kana kuita zvimwe zvirongwa mufaro hwaaaaaa. Hama mudikanwi kuchurch tinoenda kundoshandira MWARI wedu, kuri kutsvaga kururama kuitira kuti nezuva rinodzoka mwanakomana wemunhu tiwane kumutswa pamwe chete naye. Vhiki rino gashira Jesu utange kuenda kukereke kunoshandira Mwari nemwoyo!

Apostle Pride Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp