Shoko Rakandichemedza: Hovhorosi YaSatani! MUST READ!

KANA WAISAZIVA KAITIRO KASATAN CHITERERA UNZWE: Wakamboona here zvinoita vana makanika vachitanga kuita basa. 


Makanika anobva kumba kwake akachena and akageza zvakanaka asi paanosvika pabasa unoona akubvisa hembe dzakachena otora iya yatinoti work suit kana kuti hovhorosi yakazara tsvina. Otanga kubata tsvina magirisi. Kana panetsvina yakaita sei anorara. Chikonzero chacho ndeche kuti chaakapfeka chacho anochida kana ava kubata tsvina. Usafunge kuti kuzara kwayakaita tsvina haana basa nayo, anotoida nemoyo wese zvekuti ukamubira hovhorosi iyoyo panotomuka hondo, nekuti anoziva kuti basa rayo ndere kuenda tsvina.

Iyoyo ndiyo same system inoshandiswa nasatan. Tine vanhu vazhinji kwazvo vanobvuma kuitwa hovhorosi nasatan. Satan haasi munhu asi anopfeka iwewe sehovhorosi okushandisa kuita zvese zvakaipa. Unoziva here kuti munhu kana ariega asina mweya unenge wamugara haaite chipfambi, haavenge munhu, haarare nemurume kana mukadzi asiri wake asi kana satana auya akakupfeka sehovhorosi ndipo patainoona munhu akunzi ava kuita hupombwe, yava mbavha, ava kuvenga hama yake, hachafariri zvekunamata.
Mechanic
Wakamboona here kuti une zvimwe zvinhu zvakanaka zvaunofunga kuita asi unoona uchitadza kuzviita. Umwe kana akagara ega anozviti kubva nhasi ndava kuda kutanga zvekunamata, umwe achiti handichada zvekuita hupombwe, umwe oti ini handichada zvekuvenga munhu, ipapo paunofunga kudaro unenge uri wega asi satan paanouya achipfeka hovhorosi yake anotanga kukuita zvaanoda newe Ndipo paunoona munhu akuti ndichazotanga zvekunamata next week, umwe oti rega ndingoite kekupedzisira ndobva ndazorega usafunge kuti mweya waMwari unodaro ndisatan.

Satan anouya okushandisa kuita zvese zvakaipa obva ambokusiya, ndosaka nedzimwe nguva uchiti kana wapedza kuita chinhu chakaipa unotanga kudemba kuti ndazviitirei umwe anotosvika pakuchema chaiko. inhau yekuti wanga wakapfekwa ndokubva washandiswa.
Zvawaziva kasystem kasatan kudai , now ndakuda munhu anoti satan pawakandishandisa pakakwana. shoko rinoti kuna James 4vs 7 " Naizvozvo zviisei pasi paMwari, dzivisai dhiabhorosi agokutizai.". rechirungu rinobva rati, "resist the devil and he will flee away." Ukanzwa zvichinzi resist zvinoreva kuti satan harege kuuya, anotoramba achiuya asi iwewe resist him anobva atiza pauri. Satan achikuisira miedzo pamberi pako muudze kuti izvi handibati. Ramba kuitwa hovhorosi nasatan.

Bible rinoti satan akauya kuzoba nekuparadza zvoreva kuti satan waunoda kuregedza achikushandisa uyu achakubira zvese zvauinazvo okusiya waparara. Saka ramba kushandiswa nasatani hapana chakanaka chakazombobva kwaari. NHASI GASHIRA JESU SAISHE NAMAMBO WOENDA KUKEREKE INOTENDA BHAIBHERI!

Follow Apostle Pride Sibiya on all social networks and SHARE!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp