Hupombwe haungotangire pabonde; hunotanga nekushamwaridzana kwakafumuka.
Hushamwari; nekakungonzwirana nzwirana tsitsi ne vanhu vechikadzi iwe uri murume kaana kuti iwe uri mukadzi uchiitawo zvandareva pamusoro apo zvinogona kuita ngozi huru mukati mewanano yako.Chengetedza wanano yako nekusaita nyaya dzakavandika uyezve dzichipfuurira kunoita "chakafukidza chekukurukura zvemumba yemukati nemunhu asiri wako."
Ngwarira vaunoshanda navo vanonyanyoda kuzuurura nezve hupenyu hwako zvakavandika vaya vanokuti, "kana pane chaunenge uchida chingondizivisa." Ivo vaye vanokukwidza ndege yamashanga nemanzwi anotapira vachiita sevanokukwezva maringe nechimiro chako uvangwarire.
![]() |
Hupombwe |
Nyatsokujekesera vaunoshanda navo zvinhu zvausingagamuchire njeee. Siya mukaha pakati pako nevamwe vanhu rudzi rwechikadzi kana rwechirume. Wadiiwo watambira Jesu Chritsu sa mambo ne mudzikinuri wako NHASI?
Wana rubatsiro kunana mazvikokota kana zvichibvira ...usawira mukuyedzwa!
0 Comments