Apostle And Mama Meet Women: Zvinhu Zvinotirwadza Pavarume Vedu (Part 1)

Ini naMama Sibiya takasangana nemadzimai pamusangano avo vakachema kwazvo kuti varume vashanduke pazvinhu 30. Regai ndikupei gumi zvekutanga:


1. Learn to appreciate kana ndagonawo. Vamwe varume vanongogona kushora nyangwe ukachinja zvinhu mumba havazvione kana kutenda

2. Pedzisai kuroora vabereki vedu vachiri vapenyu tapota.

3. Ngavafarirewo hama dzenyu, kutengerawo vaberki vedu chikafu nekuvapawo mari. Ngatitarisei mativi ose kwete kwenyu chete.

4. Ngavatitengerewo mbatya ,mazirudo hobho ndoatirikuda. Tanzwa nembatya dzekare.
Kusafara
5. Masurprise tinoadawo, mapresents chero sweet zvayo havasati vapona ipapo.

6. Father tinongowadziwa nekuona vamwe vachipana rudo paTV isu toita kunge shirikadzi. Murume achingo kushungurudza chete.

7. Makiss tinongopiwa kana matotaura kuchurch kana kucouples otherwise tongoaonera paTV.

8. We need to change property yemumba, imwe yacho haichaite kana mari iripo.

9. Submission nyastoibataiyi baba nekuti takuona kunge varume vavekuabuser the word and its meaning. Tinenge taakungodzvanyirirwa zvichinzi ndookuzviisa pasi pemurume.
10. Varume ngavatiengerewo ma-inner garments, amwe zvangove tutambo nekubvaruka-bvaruka.

PaPart 2 ndokupai number 11-20 ndozopedzesa nenumber 21-30. Ummm paPart 2 pakaipa!

MADZIMAI NDIZVO HERE?

Apostle Pride Sibiya and Anna Tendayi Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp