Umwe murume wekumusha kwedu ku Goromonzi akawanikidza mukadzi wake akarara nechikomba, murume haana kana kuita hasha, akangotarisa chikomba ndokubva ati ndipowo dollar (dollar rakudhara riye resimbi).
Chikomba chakazobuda ndokuenda kumba kwacho murume kwakusara nemukadzi wake ndokukumbira kubikirwa, vakadya ndokunogeza vakarara zvavo semazuva ese, murume haana kumbobvunza mukadzi wake nezvenyaya iyoyo.
Kwapera masvondo maviri mukadzi akacomplainer kumurume wake kuti mumba hamuna mari ipapo aitopopota kuti baba vepi vanosiya vana vachitambura nenzara, murume haana kupindira akangotora dollar ndokutanga kurikanda kanda mudenga. Apa aida kuyeuchidza mukadzi nezvechikomba. Mukadzi akabva anyarara.
Zvinhu pane pazvakazombooma mumba umu mukadzi ndokuenda kuhama dzake kunotaura kuti mumba maita problem , murume paakadaidzwa akapinda ndokubva atanga kukandakanda dollar mudenga, mukadzi ndokuzotsika tsika nyaya yake akutya kufumurwa pamberi pehama. Tangoti tiwane pekutangira...nemuhupenyu hwako shamwari, une paunotadza kana zvawakambotadza iwewe, une zvawakambotadzira Mwari zvekuti every time paunoenda pamberi paMwari uchinamata, Satani anotanga kukanda kanda dollar mudenga, Satani anotanga kukuyeuchidza kuti waimbova pfambi iwewe, waimbova mbavha iwewe.. Satani anokanda dollar mudenga kuti urase kutenda kwako pamberi paMwari.
Muhupenyu mune vamwe vanhu vanokutarisira pasi because of your past sins but nhasi rega ndikutaurire satani kanda hako dollar mudenga for I know I cannot change my past but I can do something today that will change my future. You might be hopeless saRuth afirwa nemurume but anoona ramangwana rake oti kuna vamwene vake, "I will go with you," vaMwari venyu vachava vangu.
Kwapera masvondo maviri mukadzi akacomplainer kumurume wake kuti mumba hamuna mari ipapo aitopopota kuti baba vepi vanosiya vana vachitambura nenzara, murume haana kupindira akangotora dollar ndokutanga kurikanda kanda mudenga. Apa aida kuyeuchidza mukadzi nezvechikomba. Mukadzi akabva anyarara.
Zvinhu pane pazvakazombooma mumba umu mukadzi ndokuenda kuhama dzake kunotaura kuti mumba maita problem , murume paakadaidzwa akapinda ndokubva atanga kukandakanda dollar mudenga, mukadzi ndokuzotsika tsika nyaya yake akutya kufumurwa pamberi pehama. Tangoti tiwane pekutangira...nemuhupenyu hwako shamwari, une paunotadza kana zvawakambotadza iwewe, une zvawakambotadzira Mwari zvekuti every time paunoenda pamberi paMwari uchinamata, Satani anotanga kukanda kanda dollar mudenga, Satani anotanga kukuyeuchidza kuti waimbova pfambi iwewe, waimbova mbavha iwewe.. Satani anokanda dollar mudenga kuti urase kutenda kwako pamberi paMwari.
![]() |
Nguva yakaoma |
Mira kufungisisa about your past sins , your past failures, CONFESS THEM BEFORE GOD WOTORA JESU SAISHE NAMPONESI. Usacheme nekuda kwezvakaitika kare, pukuta misodzi shamwari ugone kunyatsoona a clear picture of what your tommorow holds for you.. Urikuenda kure iwe, uri mukundi iwe, hausi zvinotaurwa nevanhu asi uri zvinotaurwa naJehova!
Adopted By Apostle Pride Sibiya