18+: Zvinhu Gumi (10) Zvinoita Kuti Varume Vabude Mumba: Church and Non-Church Men Speak To Apostle Sibiya

Ndakawanawo mukana wekutaura nevarume vanonamata nevasinganamate patakaita Bhodho RaMudhara kuSvondo kwedu. Izvi ndezvimwe zvavakataura vakasununguka:


1. Vakadzi munovarairwa kana maroorwa imimi. Tinotanga zvakanaka munhu okuchinjira wamuroora, haachade kugeza, akuita kunge chembere, haachakupe nzvimbo yako sababa. Kutopfeka madhumbu chaiko, kikiki! vakadzi vakagarisika vanoita havo manyawi pastor!

2. Haa apostle Sibiya problem yedu rungori ruchiva chete, tikanyatsonamata zvinopera izvi. Munhu unofanira kungozvibata chete, wonamata Mwari.

3. Vakadzi kutaurisa, kurara vakapfeka nekutinyima bonde vachingogara vari moody or vachiti ndakaneta. Vanofunga kuti mugwara unozviziva here zvavanotaura izvo?

4. Kutaurisa nekungoti tikanetsana mototi, ndoenda, murume obva angoti paside pfee-e! Ngatiitei communication yakanaka.

5. Haaa mfundisi mukadzi anogeza makuseni achienda kubasa, dzoke manheru pfovo mumagumbeze hanzi ahh ndageza makuseni. Munoitongawo sei Bhishopi?
Kusafara Mumba
6. Ishave renhamo rinoti ukangoita kamai waakutoda umwe mukadzi.

7. Kupihwa mitemo mitemo yakawanda pamukadzi wangu: heee handidi staira iyi, hee usandibate chii-chii.

8. Munhu anongoita sedanda pabonde anorwadzisa mfundisi. Kutorambira murume pese paada. Pamwe pacho usatomirira murume mutange iwewe. Vakadzi musakurumidze kufinhwa nababa, gonai kufadza varume mubedroom.
9. Kusafarira hama dzangu kunoita kuti nditsvake hange umwe. Mukadzi ngaaenzanise rubatsiro kumusha kwake nekwangu.

10. Munhu ngaagarewo akafara achisekerera, opawo murume pocket money kana ndamupa yandatambira. Kugezawoka uchigara uchinhuwirira zvakanaka hatibude.

Izvi ndozvinotaura varume! Asi ndingadewo kuti chokwadi madzimai ngatigadzirisei zvirikuchemwa nevarume asi ndotiiwo isuwo varume ngatizivei kuti kubuda mumba hakuvake chinhu. Isu varume ngatibatsireiwo madzimai edu kuti vakwanise zvatinoda nekutaurirana zvakanaka, kutya Mwari nekunamata tese. ngativei Vanhu vanogashira Jesu totungamira mhuri dzedu muna Mwari.

By Apostle Pride Sibiya.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp