Contact: 0775569652
Zvawapinda musvitsa ,chiziva kuti hapana musha usina hondo.
Wotosunga dzisimbe, kumisa imba kutsenga mabwe,
Imba haidi bapu, dzikama Emma?
Gutsikana nezviri mune yako hadyana.
Usaenzanise nguwo nedzaTarumbwa, hupenyu haufanane.
Hupenyu inhomba mumwoyo meso achiseva.
Unoseva nemajuru erushwanhi asi mumwe achiti nyama yandirova moyo.
Zvizive Emma.
Muchati
|
Madzimai eguhwa rimirana nawo muganhu.
Kuda mushana ndiyo mviromviro yeguhwa.
Mukadzi kwaye haamirire husavi hwababa,
Mukadzi kwaye anosunza,kuwedzera zviri mudura.
Usava mutoro kumurume wako Emma.
Zvokudya idya zviripo, zvinonaka zvinouya mberi
Usazopfuhwire murume Emma.
Munamato chaiwo une simba kupfuura dzvinyu remumhango🦎.
Kugeza chaiko ndiwo mupfuhwira mukuru, gezawo zvinoita vamwe.
Kwete kupfeka kunge uri kubva kunokohwa minzwa.
Bhero rakavinga vanhu kwete mhuka, nyururawo kako ke pondo uyevedze.
Kwete kuita mazino anotsvedza kunge zerere, kana murume okutsvoda zvoita kunge ari kutsenga dohwe.
Nditerere Emma.
Usazovenga hama dzemurume,
Usaite sebunda kuseka pameso richiruma nemusana, ida vanhu nemoyo.
Hama dzemurume dzibikire zvinonyiminya mafuta egochichi,
Dzipe rudo runozadza guchu
Mafuta ekuzora dzipe dzivaime sezvitai tai.
Pokuvata dzipe pasinga vave tsine.
Asi kana wadaro usatarisire kudiwa nadzo dzese.
Anovenga chaiye haaimirire kutadzirwa.
Usazonongedza vamwene huroyi Emma,
Wavaona vachidya munhu iwe nyarara,
Hapana murume anobvuma kukanganisa kwaamai vake.
Ndinzwewo Emma.
0 Comments