Kuonekwa Kwemagumo Enyika Kwakaitwa NaPastor E.A Adeboye

Ndakaona magumo zvakare. Rwendo rwuno zvaityisa zvakanyanya. Magumo avepedyo pedyo. Zvichaitika nekukasira sekupenya pasina kana fungidziro, nguva yeku tendeuka pachange pasisina.

Ndichi rota kudaro, handina kukunda kuenda kudenga kunyange ndakanga ndichi ita munamato wangu weku gumisira ndichi kumbira ruregerero rwematadzo angu, zvaiita sokuti Mwari vakanga vavhara nzeve dzavo.

Ndakaona vanhu vazhinji vachi mhanya kunopinda muKereke. Asi mukati meKereke mai nzwika kudanidzira nekuchema kukuru pose pose, vanhu vachitaura vaka tarisa kudenga.

Pakarepo, pakaita sokunge pane mweya wakabva wapinda mune vamwe vanhu. Ndino rangatira ndichi ona murume mukweguru aive parutivi pangu akange apindwa nemweya iwoyo achidanidzira zvikuru ndoku nyangarika, zvaka itika nekune vamwe vanhu vashomawo.

Panguva iyoyo, ndakabva ndaziva kuti tsuri yakange yarira. Ndakachema zvikuru. Ipapowo Satani akabva asvika ndoku tanga kutsvinyira vatendi vanga vasara. Aive nebhuku raive nemazita evanhu vose. Ndichibva ndapepuka kubva kuhope. Magumo ave pedyo.
Chinhu Chino shungurudza moyo wangu ndechokuti vatendi vazhinji havasi kuzopinda denga kana Mambo Jesu vakauya nhasi. Vazhinji havasi kuona kuti magumo ato swedera. Musandi taurire kuti kusanduka kwezvinhu kana technology. Tendeuka kana pane chauri kuita chisiri kuenderana neshoko ramwari. Ukatadza kupinda denga unototi upinde gehena chete...pafunge.

Gehena harisi dambe, uye unosvika nekusingaperi urimo ... Usa chengete chiziviso chino uye usasvotwe nekuchi gamuchira asi ita chinhu chakanaka neku tumirawo vazhinji kuti vazive kuti kuuya kwaMambo kwave pedyo, zvichida ungato ponesawo mweya wanga waka rasika.

Pane kutumira zvisina maturo, iva muVangeri utumire kune vose vaunoziva.

Wakambo fungawo here kuti zvingadini kana tikada maBhaibheri sokuda kwatinoita nhare mbozha dzedu? Titadze kurarama pasina Bhaibheri?

IBVA WATUMIRA VAZHINJI IKOZVINO!
Pastor And Mama Adeboye


Read The English Version Here: The Vision Of Rupture By Pastor E.A Adeboye
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp