Zvinhu 15 Zvinoshuwirwa Nevakadzi Kuti Varume Vazive paBonde!

Wadiwa varume, pane zvimwe zvinhu zvinoita bonde rifadze vanhukadzi uye zvinoita kuti risavafadze. Usati wapembera pane zvinhu madzimai zvaanoshuwira kuti dai varume vaziva:


1. Bonde ngarisapera kana iwe murume warasa mbeu. Unofanirwa kuziva kuti waita zvinodiwawo nemudzimai here bonde risati rapera.

2. Sekuda kwaunoita kuti mudzimai achengetedze zvipfeko zvako zvemukati, ave nehutsanana nguva dzose, newewo edzawo kuva wakadaro.

3. Dzimwe nguva angoda zvakati omei (little rough). Usatya, hausi kuzomukuvadza.

4. Madzimai haana kufanana, zvinofadza uyu zvogona kusafadza umwe. Ziva zvaanonyanyoda mudzimai wako.
Read These 15 Things Women Wish Men Knew About In Bed

5. Zvigumwe ngazvifambe zvakanyorovera kunyasi uku.

6. Musaunza zvese zvamunoona mumaTV muimba yekurara. Bvunza umwe wako zvaanonzwa kuda.

7. Nguva yekutamba (foreplay) yakakosha pabonde kumukadzi. Ipai chikamu ichi nguva.

8. Iva wakanyorovera nguva zhinji naye pabonde. Inonzi LOVEMAKING asi kakuti omei mbijana dzimwe nguva kanoita kuti zvinakire mose.

9. Machira enyu ngaave akachena nguva dzose.

10. Kumadzimai bonde nderepfungwa kunyanya kupfuura kushanda kwesimba.

11. Dzimwe nguva anongoda kumbundirwa pasina bonde.

12. Pabonde teerera kuti arikutiiii uye kuti ari kufarira here zvauri kuita.

13. Torai nguva yekutamba mese nekuda muviri wake sekunge ndokekupedzesera uchanzwa mazirudo.achazvifarira.
14. Usati wapedza bonde wokurumidza kubva panzvimbo, anoda kumbundirwa nekuudzwa zvinotapira wo.

15. Nekuti haaade kuti ukurumidze kupedza hazvireve kuti anoda kuti utore nguva yakarebesa. Sikarudzi ine nguva yayo yekuchengeta hunyoro hwayo, zvogona kuita kuti bonde rekumhanya riite sebasa kwete kufadzana.

Chekupedzesera musateedzera zvamunoona mumaporn.

Chiitiko chinenge chechibharo Kana kumanikidzira hachidiwe muwanano.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp