Mwedzi wapera muvakidzani wangu akanodembera vabereki vake!
Mwanasikana: Amai handichazvigona zvemurume wangu,bndoda kumuuraya asi ndinotya, mungandibatsirawo here.!Amai: Hongu mwanangu,ndinokwanisa, asi pane dambudziko diki riripo. Unofanirwa kutanga wakunyatsowirirana naye kuti pasave neanozokufungira kana afa. Unofanirwa kumuda nekuva rerudo kwaari.
Tenda, Moyo murefu, kuzvininipisa. Muone semwana wako kwete seshamwari ... Usazvida, iva unoteerera kwaari kunyanya uye usamushora.
Mwanangu ndinoziva unozvigona,usazvitarisira pasi,basa ratotanga nhasi,unozvigona here?
![]() |
Nzira Dzokuuraya Nadzo Murume Wako Nekukurumidza |
Amai: Zvakanaka,chitora muti uyu wekumuuraya,zuva roga roga isu tushoma muchekudya chake uye achafa zvishoma nezvishoma
Mushure memwedzi,mwana anouya kuzoudza amai vake zvakaitika
Mwanasikana: Amai, handichada kuti afe, ava kundidisisa nekuva nehanya neni. Ndava kumufarira,ashanduka.Ndoita sei Kuti mushonga uya usamuuraya
Amai: Hahahahahahaha
Mwanasikana: Ko mava kusekeiko nhai? Asi hazvichadzoreka?
Amai: Kwete,mwanangu,usatya hako chandakakupa yaiva flour.Haasi kuzofa.
Pachokwadi, mushonga waiva mauri, pawakatanga ruvengo, kusamuda uye zvaiuraya kupfuura muti, saka ndakashanda iwe kwete murume wako.
Mwanasikana: Ummmmmm,ndatenda mhamha!
Tips: Fara iwe woita kuti vakakutenderedza vafare.
Ukatanga kuda murume, mukadzi, mukoma, sisi, amai kana baba uchaona kunaka kwavo. Usamirira kuti atange arwara, kufa kuti uzoda kana kugamuchira nekupemberera munhu. Usati wakunun'una tarisa kuti dambudziko harisi kwauri here, garai murunyararo nevakatikomberedza!
0 Comments