Vasati Varoora Verengai Mdima Iyi ... Pamusingafanirwe Kuroora Kana Kuroorwa

1. Musapinda muwanano nekuti shamwari dzadaro ... Ko zvikasazoita sekuda kwenyu? Funga nezvazvo pachako iwe usati waita sarudzo ... Mwari vari mutungamiriri.


2. Usapinda musvitsva nekuda kwesimba (pressure) kubva kuvabereki kana hama nekuti havazovepo kana matambudziko osimuka mumba

3. Usamhanya kubvuma nekuti murume kana mukomana wako ane chikwama chakafuta.

4. Ngatisatengesa kana kushambadza miviri yedu kuti tiwane vanotida, nekuti vapfuuri ... vaneruchiva nemuviri wako ndivo vega vachakuda.

5. Tisaita mhedziso nekuti mfundisi kana muporofita ati isarudzo yaMwari, asi tarisa kuti hupenyu hwake (boyfriend or girlfriend) huri maringe neshoko raMwari here.

6. Usatendera inzwi iro rinotapira, kana ganda risina chipomerwa kuti rikurasise mafungiro ako. Tarisa munhu wemukati kuti ana Mwari here. Sarudzo yakashata inokushungurudza hupenyu hwose.
Vasati Varoora Verengai Mdima Iyi ...  Pamusingafanirwe Kuroora Kana Kuroorwa
7. Vasikana musapa mutongo maererano nemamiriro ezvinhu kumukomana nhasi ndava, nyaya yake inomuka yakashanduka kuva yakanaka.

8. Musapinda musvitsa nekuda kwekuti ndasarira, kana nekuda kwemujaho.

9. Usarambira munhu kuti haana kudzidza kana kuti haana ruzivo rwezviri kuitika.

10. Vasikana musavhura makumbo kune uyo muurayi weramangwana rako, nekuda kwekuti avimbisa muchato, kana kukuroora.

11. Usawana nekuda kwerudo chete, wana nekuda kwekuti wagadziririra kutanga upenyu hutsva zvese mupfungwa nemumoyo, uye nekuti watarisira zvose zvinowanikwa muwanano kuti mugare mose. Rangarira mukufamba kwenguva kuzvipira kuva mose kuchachengetedza wanano yenyu, kwete rudo kana moyo wamaiva nayo mazuva ekutanga ... Zvizhinji zvichaitika zvingangouraya rudo asi sarudzo iyi nekuzvipira (commitment) zvinokupfuudzirai mberi ...!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp