Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Nezvebonde?

Zvaunogona kuita:

1. Sarudza zvakanaka vanhu vokutamba navo. Kana shamwari dzako nevaunodzidza navo vakatanga kutaura nyaya dzebonde, iwe ukapindira munyaya dzavo zvichakuomera kuti pfungwa dzako dzibve panyaya dzebonde. Kazhinji, unogona kutsvaka nzira yokuti musaramba muchitaura nezvazvo asi uchizviita nenzira yokuti vamwe havazokuoni semutsvene votanga kukushora.

2. Usazvivaraidza nezvinhu zvakafumuka. Zvinhu zvakawanda zvinovaraidza zviri kugadzirwa mazuva ano zvinoita kuti munhu ade bonde zvisina mwero. Bhaibheri rinoti chii? “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Tambira kure nevaraidzo inoita kuti ude zvebonde.
Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Nezvebonde?
Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Nezvebonde?

3. Yeuka izvi: Hazvina kuipa kuti munhu anzwe achida kurara nemumwe munhu. Mwari ndiye akasika murume nemukadzi kuti vanzwe vachidanana zvisingaiti, uye kuti vanhu vanofanira kuita bonde ndevanenge vakaroorana chete. 

Saka kana ukatanga kuva nechido chakasimba chokurara nemumwe munhu, usafunga kuti uri munhu akaipa kana kuti hauna tsika dzakachena.

4. Chinhu chinokosha: Unogona kusarudza zvaunoda kuti zvigare mupfungwa dzako. Zviri kwauri kuti usarudze kuva nemafungiro akanaka uye kuva netsika dzakachena!

Receive Jesus Christ today and go to church for spiritual fellowship

Follow Apostle Pride Sibiya (Bishop: Glory Ministries) on Facebook, YouTube, Twitter, Tik-Tok, Periscope, WhatsApp, Google+, Instagram, Instaclips, and all social media.
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp