Kugera Vhudzi

Ndafamba mutown nasekuru vangu vabva paruzevha. Patasvika paarea yeCopacabana, varume vari mupavement vashungurudza sekuru chokwadi:


Togera here baba
Uyayi tigere kules ..!
Uyayi ndokuchipisirai ..!
Uyayi tigere baba.

Pokutanga vaita hasha, vakati wanzwa nani kuti ndoda kugerwa. Pechipiri  vapotsa kurova murume anga amira mberi kwavo achivakumbira kuti avagere. Pechitatu ndazovati Sekuru vanhu vese vari kukunetsai ava vaona bvunzi renyu kuti rakura. Vaona bvunzi uye nendebvu kuti dzakura uye dzoda kugerwa.
Kugera Vhudzi

Ndabva ndava geresa noise ichibva yapera. Noise yese iyi inhau yokuti unacho chiri kukwezwa Satan mulife yako. Sei vanhu vachingotaura nezvako mumaraini iwe?
Sei iwewe wega uri iwe unongovengwa mumaraini?  Kuchechi sei vanhu vachingotaura nezvako iwe? Noise yese iyi pane chavari kuona pauri.

Hameno kana wandibata? Pagerwa Kule noisy yabva yapera. Pane hunhu hunoda kugerwa sebvunzi. Pane hunhu hunoda kugerwa sendebvu.

Mosara zvenyu munyasha!

Adopted By Apostle P. Sibiya
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp