Kubudirira kwaMark Angel naEmmanuella - Unoda Umwe Kuti Usvike Paunofanirwa Kusvika

Mark Angel aiita zvekufadza vanhu kubva 2003, asi aizivikanwa nevanhu vashoma chose, nyangwe zvazvo zvaaiita zvaifadza nekusetsa vanhu asi upenyu hwaisafamba zvakanaka.

Muna 2016, Mark Angel akaona Emmanuella vakabatana ndokugadzira chikwata Angel Comedy Group, chikwata ichi chakatanga kuita mukurumbira, kusvika pakutora mukombe gore iroro wekufadza vanhu, vakatora zvakare mukombe wechikwata chakaiya vateveri vakawanda paYoutube kusvika pamirioni vateveri.

Vakatanga kuzivikanwa Pasi rose, ndokutanga kutorera nekuitira basa ravo kunze kwenyika,  mari ndokutanga kubatika, parizvino ndivo vane chikwata chevanofadza vanhu chikuru.
The Success Story About Emmanuella And Mark Angel
The Success Story About Emmanuella And Mark Angel

ZVINHU ZVISHOMA ZVAUNGADA KUZIVA: 
Mark Angel aisava nemukurumbira kusvika asangana naEmmanuella uye zvishuwiro zvake zvakazadzisika. Emmanuella aisava nezita kusvika apinda muchikwata Mark Angel Comedy.

Hakuna angadai akaziva Emmanuella dai asiri Mark Angel Comedy uye Mark Angel Comedy ingadai isina mukurumbira dai asiri Emmanuella.

CHIDZIDZO: Kuti ubudirire muupenyu unoda boka(team) revanoshuwiro yebudiriro.Pane vanhu vausingafanirwe kushaya muupenyu,Kune vekuti ukasangana navo upenyu hwako,bhizimisi,basa rako,zororo rako,zvese zvinobva zvafamba zvakanaka.

Vamwe vedu tiri kutambura muhupenyu nekuti hatisati tasangana nevatinofanirwa kusangana navo,vamwe vakatosangana navo,vakatadza kuvachengetedza. Vamwe tinofunga Kuti handide munhu muhupenyu ndoita zvinhu zvangu pachezvangu.

Edza kutsvaga vanhu vane Simba munzvimbo dzaune utera (areas of your weaknesses) kuti vamubatsire kusimudzira zvauri kuita. Kurudzira simba reumwe neumwe uye itai kuti rikushandirei mativi ose. Ndiani uyo ari muupenyu hwako, ari mubhizimisi,mubasa rako wauri kutarisira pasi.

Unofungira kuti hausati wasangana naye here ... kana zvakadaro tanga nekuzvivaka iwe kuti ukwanise kukwezva vaunoda, hazvingabvire kuti ukwezve zvausingakwanise. Ukaita asi pasina chukuonekwa, tarisa mukati isa kashanduko ASI RAMBA WAKABATIRIRA UCHINAMATA.

Hakuna budiriro tizviiita vana muziva zvose. Kana uchida kuzivikanwa nekukasika tevera gwara rimwe rebhizimisi woripfumbidza.

Zvauri kuita nhasi zvichakuendesa mberi rimwe zuva ..! Haungotange chinhu wosiya wotarisira munana ... Iye munhu waunoyeva akatombopfuurawo nepauri nhasi. Chiii chauri kuita kukwezva vanhu vaunoda muupenyu.
Usarasa tariro. Kwete izvozvi. Wava pedo nekubudirira kwako.

Muhupenyu unoda umwe munhu kuti amubatsire, kuti ukunde, usvike kwaunofanirwa kusvika, vamwe vari kushungurudzika nekuda kwekuti havasati vasangana nevavanofanirwa kusangana navo.

Ndinoda kukunamatira kuti vaunofanirwa kusangana navo vachiuya nezita raJesu. Pane arikuverenga nyaya iyi, hapana chiri kufamba muhupenyu, ndinonamata kuti kubva nhasi mubatsiri wako akuwane nezita raJesu, sekuuna kwakaita Mark Angel na Emmanuella ...

Nenzira imwe chete iyoyo Mwari vachakubatanidza neramangwana rako nezita raJesu

Amen!

Govera nehama neshamwari!!
avatar
Bishop Pride Sibiya Online
This Is Bishop Pride Sibiya (www.pridesibiya.com) Official Website and Blog. Pride Sibiya Is An Apostle, Author, Blogger, Speaker, and The Founder and President Of Glory Ministries. Bishop Pride Sibiya
Chat with WhatsApp