2. Kana uchinge wakatsamwa,edza kuti usaratidzira kutsamwa kwako kwaari, kana kumupopotera, kana kumunyararira (silent treatment).
3. Musaita shanduro yezvinhu musina kubvira maita hurukuro kana kutaurirana pamusoro pazvo.
4. Usatendera vanhu kuti vamudzikisire uripo, iva nhowo yake, mira naye umudzivirire. Zviri nani kuramba (dishonor) avo vanomudzikisira paruzhinji.
5. Murwire kune avo vanotaura mashoko ekumudzikisira.
![]() |
Ladies Talk - 16 Ways To Submit To Your Husband: He Will Appreciate You More |
6. Ipai mazano nenzira ine rudo, kwete kushandisa nzira yekushoropodza kana kudzikisira.
7. Batsira murume wako kuti ave musoro wemba, kurudzirawo sarudzo dzake,zvinosunungurawo. Rega atakure nekutora chinzvimbo sababa vemusha
8. Usamushoropodza pamberi pevanhu,mukudze nekuchengetedza chiremerera Chake
9. Usamurangaridza Utera hwake(his weaknesses) nguva dzose dzaunowaa mukana
10. Usakakavadzana kana kupokana pamberi pevanhu kunyanya pamberi pevana
11. Usamupa mitemo kana zvirango sokunge muranda pamba.
12. Tanga wataura naye usati wasara zvimwe zvezvinhu zvake,zvingangodaro achizviona zvakamukoshera kupfuura zvamungafungire.
13. Musanyanya kuzvipira,mupei nguva.Itai avr chinhu chokutanga muhana menyu nguva dzose.
14. Zvakakosha Kuti pave nekutenderana naye pane zvose zvamungaronge kuita
15. Vabatsirei kuzadzisa zvishuwo zvemoyo(goals and ambitions), zvanofarira kuita(hobbies),fundo yake kana maona kuti anozvida nemoyo wake.
16. Musadzikisira zivo yake,kana kushandisa mashoko ane kakudzikisira.